Ramangwana racho gungano rose ravaIsiraeri rakanyunyutira Mosesi naAroni vachiti, “Makaurayisa vanhu vaTenzi.” Gungano rose rakati rauya kuzopikisana naMosesi naAroni, rakatarisa kutendhe rokusanganira, onei gore ratorifukidza kupenya kwembiri yaTenzi kuchioneka. Mosesi naAroni vakauya kumusuo wetendhe rokusanganira. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Sudurukai pagungano iri, ndivaparadze, ndivati bvu kamwechete.” Mosesi naAroni vakati pasi zvambarara. Mosesi ndokutaurira Aroni achiti, “Tora bisiro rako rerusenzi uisemo moto wapaatari norusenzi, umhanyire naro kugungano upfupire mhosva yavo nokuti vatomutsa hasha dzaTenzi. Vanhu vatotanga kurakashwa nedenda.” Aroni akaita zvaakaudzwa naMosesi akamhanyira mukati mavanhu. Wanei denda ratotanga kare muvanhu. Akaisa rusenzi mumoto achipfupira mhosva dzavanhu. Akamira pakati pavanhu vakanga vafa navapenyu ndokubva denda ramiswa. Vanhu vakaurayiwa nedenda iroro vaiva zviuru gumi nezvina zvina mazana manomwe tisingaverengi vaya vakaurayiwa paya pakapanduka Kora. Aroni akadzokera kwaiva naMosesi kumusuo wetendhe rokusanganira paya pakamiswa denda.
Verenga chikamu Kuverengwa 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuverengwa 16:41-50
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo