Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti kana mava munyika yandichakusvitsai, mukange modya zvokudya zvemo, torai zvimwe mupire Tenzi mupiro. Pamunokanya upfu hwembesanwa dzenyu dzokutanga muchibika chingwa, chingwa chokutanga ngachipirwe kuna Tenzi chive mupiro wenyu wezvamunotanga kupura paburiro, ndiwo mapiriro amuchauita. Pazvizvarwa zvenyu zvose torai mupiro, pamukanyiwa wenyu wokutanga, mupire kuna Tenzi. “Asi kana mukakanganisa mukarega zvenyu kuchengeta mirao iyoyi yakaudzwa Mosesi naTenzi, zvose zvazvo zvakatemwa naTenzi zvamakaudzwa naMosesi, kubvira pazuva rakapiwa mutemo naTenzi pazvizvarwa zvenyu zvose zvichauya, kukanganisa ikoko kana kwaitwa negungano mukusaziva, gungano rose ngariite mupiro wokupisa wehandira ichiri duku, unonhuhwirira zvinofadza ini Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa newaini yomupiro wezvokunwa. Ngavapirewo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo maererano nezvakatemwa naTenzi. Mupristi ngaaite mupiro wokuripira zvitadzo zvegungano rose ravaIsiraeri. Vacharegererwa nokuti vakazviita mukusaziva vakapirawo Tenzi mipiro yavo inopiswa nomoto nemupiro wokuzvichenura kuzvitadzo vachiripa kukanganisa kwavo. Mhuri yose yeIsiraeri navatorwa vagere navo vacharegererwa nokuti munhu wose akanga arimo mukuvhiya katiyo. “Kana munhu mumwechete akatadza mukusaziva ngaapire mbudzi hadzi ine gore rimwechete uve mupiro wokupfupira zvitadzo. Mupristi ngaapire mupiro kuna Tenzi wokuripira zvitadzo zvomunhu iyeyo. Munhu iyeyo anenge akakanganisa mukusaziva acharegererwa. Ani naani anotadza mukasaziva kunyange ari chizvarwa chomuIsiraeri kana mutorwa agere nemi anosungwa nomutemo mumwechetewo. “Asi ani naani anotadza maune kunyange ari chizvarwa cheIsiraeri kana mutorwa, ashora Tenzi ngaachekaniswe ukama novokwake, nokuti akaramba kuteerera Tenzi akatyora mutemo wake. Munhu iyeyo ngaabviswe murudzi rwake zvachose. Ndiye akazviparira.” Zvino vaIsiraeri vachiri murenje, vakawana mumwe murume achitsvaka huni musi weSabata. Vaya vakamuona achitsvaka huni vakamuunza kuna Mosesi naAroni negungano rose ravaIsiraeri. Vakamubata vakamuchengetedza nokuti vakanga vasati vaziva kuti vangaitei naye. Tenzi ndokuzoudza Mosesi achiti, “Murume iyeyo ngaaurayiwe. Gungano rose ravaIsiraeri ngarindomutema namabwe kunze kwemunharaunda yamatendhe.” Saka gungano rose rakaenda naye kunharaunda yokunze kwamatendhe ndokumutemerako namabwe akafa sezvakaudzwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Iti vaIsiraeri vasonere masa pakona yoga yoga yehanzu dzavo vazviite pazvizvarwa zvavo zvose. Vasungire shinda yeruvara rwedenga pamasa dzacho. Masa idzodzo dzichava chiyeuchidzo chokuti mukadzitarisa muyeuke mitemo yangu muichengete, murege kungoita zvamunoda muchifurirwa noruchiva, rwemwoyo yenyu noruchiva rwemeso enyu, sezvamakajairira. Saka muchayeuka mitemo yangu yose muchiichengeta. Muchava vanhu vangu vandakazvisarudzira vatsvene. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndakakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ini ndini Tenzi Mwari wenyu.”
Verenga chikamu Kuverengwa 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuverengwa 15:17-41
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo