Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 15:17-41

Numeri 15:17-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mopinda munyika yandinokuendesai uye mukadya zvokudya zvenyika iyo, munofanira kupa chikamu kuna Jehovha sechipiriso. Munofanira kupa keke rinoitwa noupfu hwenyu hwokutanga mugoripa sechipiriso chinobva paburiro. Kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera munofanira kupa chipiriso ichi kuna Jehovha kubva paupfu hwenyu hwokutanga. “ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha, zvipi zvazvo zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi, kubva nezuva razvakapiwa naJehovha uye zvichienda mberi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera, uye kana izvi zvikaitwa kwete nobwoni zvisina kuzivikanwa neungano, ungano yose inofanira kupa hando duku sechipiriso chinopiswa, sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, nenhongo yembudzi kuti ive chipiriso chechivi. Muprista anofanira kuyananisira ungano yose yavaIsraeri, uye vachakanganwirwa, nokuti zvakanga zvisina kuitwa nobwoni, uye, nokuda kwokukanganisa kwavo, vakavigira Jehovha chipiriso chinopiswa uye nechipiriso chechivi. Ungano yose yavaIsraeri navatorwa vagere pakati pavo vachakanganwirwa, nokuti vanhu vose vakatadza vasingazivi. “ ‘Asi kana munhu mumwe chete akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nembudzana hadzi yegore rimwe chete kuti chive chipiriso chechivi. Muprista anofanira kuyananisira uyo akatadza pamberi paJehovha nokutadza nokusaziva, uye kana ayananisirwa, achakanganwirwa. Murayiro mumwe chete iwoyu unoshanda kuna vose vanotadza vasingazivi, angava akaberekerwa muIsraeri kana mutorwa. “ ‘Asi ani naani anotadza nokuzvikudza, angava akaberekwa muIsraeri kana mutorwa, anomhura Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. Nokuti akazvidza shoko raJehovha uye akaputsa mirayiro yake, munhu uyo anofanira kubviswa zvachose; mhosva yake inogara pamusoro pake.’ ” VaIsraeri vachiri murenje, mumwe murume akawanikwa achiunganidza huni nezuva reSabata. Avo vakamuwana achiunganidza huni vakauya naye kuna Mozisi naAroni nokuungano yose, uye vakamuchengeta mutorongo, nokuti vakanga vasingazivi zvaifanira kuitwa kwaari. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Murume uyo anofanira kufa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwomusasa.” Saka ungano yakamubudisa kunze kwomusasa vakamutaka namabwe kusvikira afa, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kusvikira kuzvizvarwa zvichatevera, munofanira kugadzira pfunha pamakona enguo dzenyu, dzinenge dzine tambo yebhuruu papfunha imwe neimwe. Muchava nepfunha idzi kuti mudzitarire uye naizvozvo mucharangarira zvakarayirwa naJehovha zvose, kuti muzviteerere mugorega kuita ufeve muchitevera kuchiva kwemwoyo yenyu nameso enyu. Ipapo mucharangarira kuteerera mirayiro yangu yose uye muchazvitsaura kuti muve vanhu vaMwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ndini Jehovha Mwari wenyu.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 15

Numeri 15:17-41 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jehovha akataura naMosesi, akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana muchisvika kunyika kwandinokuisai, kana modya zvokudya zvenyika, munofanira kupa Jehovha chipiriso chinotsaurwa. Pazvitsva zvoupfu hwenyu munofanira kuuya nechingwa chiduku, chive chipiriso chinotsaurwa; sezvamunoita nechipiriso chinotsaurwa cheburiro, munofanira kuchitsaura saizvozvo. Munofanira kupa Jehovha pazvitsva zvoupfu hwenyu chipiriso chinotsaurwa kusvikira kumarudzi enyu ose.’ “Kana muchitadza, musingachengeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehovha kuna Mosesi, zvose zvamakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi, kubva pazuva rakatanga kuraira Jehovha, kusvikira kumarudzi enyu ose, zvino kana zvichinge zvaitwa ungano isingazivi, ungano yose inofanira kuuya nenzombe imwe duku, chive chipiriso chinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, pamwechete nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa, sezvakarairwa, nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi. Mupristi anofanira kuyananisira ungano yose yavana vaIsiraeri, vakanganwirwe; nokuti kwaiva kutadza, vakazouya nechipo chavo pamberi paJehovha, chiri chipiriso chinoitirwa Jehovha pamoto, nechipiriso chezvivi pamusoro pokutadza kwavo. Ipapo ungano yose yavana vaIsiraeri ichakanganwirwa, nomutorwa agere pakati pavo; nokuti vanhu vose vakanga vazviita havo nokusaziva. Kana munhu mumwe akatadza nokusaziva, anofanira kuuya nesheche yembudzi yegore rimwe, chive chipiriso chezvivi. Zvino mupristi anofanira kuyananisira munhu akatadza, kana akaita zvivi nokusaziva, pamberi paJehovha, kuti amuyananisire, akanganwirwe. Munofanira kuva nomurayiro mumwechete pamusoro pomunhu akaita chinhu nokusaziva, kana ari munhu akaberekerwa panyika pakati pavana vaIsiraeri, kana ari mutorwa agere pakati pavo. Asi munhu anoita chinhu nokuzvikudza, kana ari munhu akaberekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye anomhura Jehovha; munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake. Nokuti akazvidza shoko raJehovha, akaputsa murayiro wake; munhu uyu anofanira kubviswa chose; mhosva yokutadza kwake iri pamusoro pake.” Zvino vana vaIsiraeri vachiri murenje, vakaona munhu achaiunganidza tsotso nomusi weSabata. Avo vakamuwana achiunganidza tsotso vakamuisa kuna Mosesi naAroni, nokuungano yose. Vakamuisa mutorongo, nokuti kwakanga kusina kurehwa zvaaifanira kuitirwa. Jehovha akati kuna Mosesi, “Munhu uyu, zvirokwazvo, anofanira kuurawa; ungano yose inofanira kumutaka namabwe kunze kwemisasa.” Ipapo ungano yose yakamuisa kunze kwemisasa, vakamutaka namabwe, akafa; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Taura navana vaIsiraeri, uvaraire kuti vazviitire masa pamipendero yenguo dzavo, kusvikira kumarudzi avo ose, vaise paisa rimwe nerimwe pamupendero rwonzi rutema. Chinofanira kuva kwamuri isa ramungasiona, mugorangarira mirairo yose yaJehovha, kuti muiite; kuti murege kutevera kuda kwomwoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisitevera pakupata kwenyu; kuti murangarire nokuita mirairo yangu yose, nokuva vatsvene kuna Mwari wenyu. Ndini Jehovha wenyu, akakubudisai munyika yeIjipiti, kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 15

Numeri 15:17-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti kana mava munyika yandichakusvitsai, mukange modya zvokudya zvemo, torai zvimwe mupire Tenzi mupiro. Pamunokanya upfu hwembesanwa dzenyu dzokutanga muchibika chingwa, chingwa chokutanga ngachipirwe kuna Tenzi chive mupiro wenyu wezvamunotanga kupura paburiro, ndiwo mapiriro amuchauita. Pazvizvarwa zvenyu zvose torai mupiro, pamukanyiwa wenyu wokutanga, mupire kuna Tenzi. “Asi kana mukakanganisa mukarega zvenyu kuchengeta mirao iyoyi yakaudzwa Mosesi naTenzi, zvose zvazvo zvakatemwa naTenzi zvamakaudzwa naMosesi, kubvira pazuva rakapiwa mutemo naTenzi pazvizvarwa zvenyu zvose zvichauya, kukanganisa ikoko kana kwaitwa negungano mukusaziva, gungano rose ngariite mupiro wokupisa wehandira ichiri duku, unonhuhwirira zvinofadza ini Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa newaini yomupiro wezvokunwa. Ngavapirewo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo maererano nezvakatemwa naTenzi. Mupristi ngaaite mupiro wokuripira zvitadzo zvegungano rose ravaIsiraeri. Vacharegererwa nokuti vakazviita mukusaziva vakapirawo Tenzi mipiro yavo inopiswa nomoto nemupiro wokuzvichenura kuzvitadzo vachiripa kukanganisa kwavo. Mhuri yose yeIsiraeri navatorwa vagere navo vacharegererwa nokuti munhu wose akanga arimo mukuvhiya katiyo. “Kana munhu mumwechete akatadza mukusaziva ngaapire mbudzi hadzi ine gore rimwechete uve mupiro wokupfupira zvitadzo. Mupristi ngaapire mupiro kuna Tenzi wokuripira zvitadzo zvomunhu iyeyo. Munhu iyeyo anenge akakanganisa mukusaziva acharegererwa. Ani naani anotadza mukasaziva kunyange ari chizvarwa chomuIsiraeri kana mutorwa agere nemi anosungwa nomutemo mumwechetewo. “Asi ani naani anotadza maune kunyange ari chizvarwa cheIsiraeri kana mutorwa, ashora Tenzi ngaachekaniswe ukama novokwake, nokuti akaramba kuteerera Tenzi akatyora mutemo wake. Munhu iyeyo ngaabviswe murudzi rwake zvachose. Ndiye akazviparira.” Zvino vaIsiraeri vachiri murenje, vakawana mumwe murume achitsvaka huni musi weSabata. Vaya vakamuona achitsvaka huni vakamuunza kuna Mosesi naAroni negungano rose ravaIsiraeri. Vakamubata vakamuchengetedza nokuti vakanga vasati vaziva kuti vangaitei naye. Tenzi ndokuzoudza Mosesi achiti, “Murume iyeyo ngaaurayiwe. Gungano rose ravaIsiraeri ngarindomutema namabwe kunze kwemunharaunda yamatendhe.” Saka gungano rose rakaenda naye kunharaunda yokunze kwamatendhe ndokumutemerako namabwe akafa sezvakaudzwa Mosesi naTenzi. Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Iti vaIsiraeri vasonere masa pakona yoga yoga yehanzu dzavo vazviite pazvizvarwa zvavo zvose. Vasungire shinda yeruvara rwedenga pamasa dzacho. Masa idzodzo dzichava chiyeuchidzo chokuti mukadzitarisa muyeuke mitemo yangu muichengete, murege kungoita zvamunoda muchifurirwa noruchiva, rwemwoyo yenyu noruchiva rwemeso enyu, sezvamakajairira. Saka muchayeuka mitemo yangu yose muchiichengeta. Muchava vanhu vangu vandakazvisarudzira vatsvene. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndakakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ini ndini Tenzi Mwari wenyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 15

Numeri 15:17-41 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jehova akataura naMosesi, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika kunyika kwandinokuisai, kana modya ɀokudya ɀenyika, munofanira kupa Jehova cipiriso cinotsaurwa. Paɀitȿa ɀoʋupfu bgenyu munofanira kuʋuya neciŋgwa ciɗuku, ciʋe cipiriso cinotsaurwa; seɀamunoita necipiriso cinotsaurwa ceɓuriro, munofanira kucitsaura saiɀoɀo. Munofanira kupa Jehova paɀitȿa ɀoʋupfu bgenyu cipiriso cinotsaurwa kuȿikira kumarudzi enyu ose. Kana mucitadza, musiŋgaceŋgeti mirairo iyi yose, yakataurwa naJehova kunaMosesi, ɀose ɀamakarairwa naJehova nomuromo waMosesi, kubva pazuʋa rakataŋga kuraira Jehova, kuȿikira kumarudzi enyu ose, ɀino kana ɀiciŋge ɀaitwa ʋuŋgano isiŋgaziʋi, ʋuŋgano yose inofanira kuʋuya nenzombe imŋe ɗuku, ciʋe cipiriso cinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, pamŋe cete necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa, seɀakarairwa, nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. Muprista unofanira kuyananisira ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋganwirwe; nokuti kwaiʋa kutadza, ʋakazoʋuya necipo caʋo pamberi paJehova, ciri cipiriso cinoitirwa Jehova pamŋoto, necipiriso ceɀiʋi pamsoro pokutadza kwaʋo. Ipapo ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri icakaŋganwirwa, nomutorwa ugere pakati paʋo; nokuti ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaɀiita haʋo nokusaziʋa. Kana munhu mumŋe akatadza nokusaziʋa, unofanira kuʋuya neshece yembudzi yegore rimŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi. Ɀino muprista unofanira kuyananisira munhu wakatadza, kana akaita ɀiʋi nokusaziʋa, pamberi paJehova, kuti amuyananisire, akaŋganwirwe. Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe cete pamsoro pomunhu wakaita cinhu nokusaziʋa, kana ari munhu wakaɓerekerwa panyika pakati paʋana ʋaIsraeri, kana ari mutorwa ugere pakati paʋo. Asi munhu unoita cinhu nokuɀikudza, kana ari munhu wakaɓerekerwa munyika, kana ari mutorwa, iye unomhura Jehova; munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake. Nokuti wakaɀidza shoko raJehova, akaputsa murairo wake; munhu uyu unofanira kubviswa cose; mhoȿa yokutadza kwake iri pamsoro pake. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋaciri murenje, ʋakaʋona munhu aciʋuŋganidza tsotso nomusi wesaɓata. Aʋo ʋakamuwana aciʋuŋganidza tsotso ʋakamuisa kunaMosesi naAroni, nokuʋuŋgano yose. Ʋakamuisa mutoroŋgo, nokuti kwakaŋga kusina‐kurebga ɀaaifanira kuitirwa. Jehova akati kunaMosesi: Munhu uyu, ɀirokwaɀo, unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge kunze kwemisasa. Ipapo ʋuŋgano yose yakamuisa kunze kwemisasa, ʋakamutaka namabge, akafa; seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uʋaraire kuti ʋaɀiitire masa pamipendero yeŋguʋo dzaʋo, kuȿikira kumarudzi aʋo ose, ʋaise paisa rimŋe nerimŋe pamupendero rwonzi rutema. Cinofanira kuʋa kwamuri isa ramuŋgasiʋona, mugoraŋgarira mirairo yose yaJehova, kuti muiite; kuti murege kuteʋera kuɗa kwomŋoyo yenyu nokwameso enyu, kwamaisiteʋera pakupata kwenyu; kuti muraŋgarire nokuita mirairo yaŋgu yose, nokuʋa ʋatȿene kunaMŋari wenyu. Ndini Jehova wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti ndiʋe Mŋari wenyu; ndini Jehova Mŋari wenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 15

Numeri 15:17-41 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)