Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, kana mava munyika yandichakupai kuti mugaremo, kana munhu achiuya kuzopira mupiro wake kuna Tenzi wezvipfuwo, zvemombe kana hwai, kana mbudzi, achiita mupiro unoita zvokupiswa kana mupiro wokupisa nomoto kana mupiro wezvaakambotsidza, kana wechido chake, kana pamunochengeta enyu mazuva makuru kuti kunhuhwirira kwayo kundifadze, zvamunoita ndezvizvi: munhu anenge auya nomupiro ngaaunze mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete, newaini yomupiro wezvokunwa inokwana chikamu chapakati napakati cherita. Zvose izvozvo ngazvipirwe pamwechete nomupiro wokupisa, nechibayiro chehwayana imwe neimwe. Kana iri hondohwe, pirai pamwechete nayo upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete nechikamu chapakati napakati perita, pamwechete newaini inokwana rita nechikamu charo chapakati napakati. Kunhuhwirira kwemipiro iyoyi kunofadza Tenzi. Pamunopira Tenzi handira ichiri duku yomupiro wokupisa, kana chibayiro chomupiro wezvakatsidzwa kana mipiro yokuwadzana kuna Tenzi unzaiwo mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu matatu, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana marita maviri, pamwechete newaini inokwana marita maviri somupiro inopiswa nomoto. Kunhuhwirira kwomupiro iwoyu kunofadza ini Tenzi.
“Saka ndizvo zvamunoita pamupiro mumwe nomumwe wehandira, kana hondohwe, kana hwayana hono kana mbudzana hono. Chibairo choga choga chamunopira, hazvinei kuti zvingani, chimwe nechimwe chazvo ngachiitiwe zvimwechetezvo. Chizvarwa choga choga cheIsiraeri, ngachiite saizvozvo pakupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kunofadza Tenzi. Kana pachinge paine mutorwa agere nemi zvachose, kana kuti agere nemi kwechinguva achida kupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi, anofanirawo kuita sezvamunoita. Murao mumwechete ndiwo uchasunga imi navatorwa vamugere navo. Uchagara uripo kwezvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pana Tenzi imi navatorwa hapana mutsauko. Imi navatorwa vamugere navo muchava nemitemo nemirao mimwechete.”