Numeri 15:1-16
Numeri 15:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda munyika yandinokupai kuti mugare, uye mukauya nezvipiriso zvinopiswa kuna Jehovha, kubva kumombe kana makwai, kuti muite zvinonhuhwira zvinofadza Jehovha, zvingava zvinopiswa kana zvibayiro, zvemhiko dzakasarudzika kana zvipo zvokupa nokuzvisarudzira kana zvipiriso zvemitambo, ipapo munhu anouya nechipiriso chake achapa kuna Jehovha chipiriso chezvipo chiri chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta. Pagwayana rimwe nerimwe rechipiriso chinopiswa kana rechibayiro, munofanira kugadzira chikamu chimwe chete muzvina chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. “ ‘Munofanira kugadzira negondobwe chipiriso chezviyo chezvikamu zviviri mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta, uye nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yewaini chive chipiriso chokunwa. Muchipe sechinonhuhwira chinofadza kuna Jehovha. “ ‘Pamunogadzirira Jehovha nzombe duku sechipiriso chinopiswa kana sechibayiro, chemhiko yakasarudzika kana chipiriso chokuwadzana, munofanira kuuya nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu kubva mugumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nehafu yehini yamafuta pamwe chete nehando. Uyezve muuye nehafu yehini yewaini sechipiriso chokunwa. Chichava chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira chinofadza Jehovha. Hando imwe neimwe kana gondobwe, gwayana rimwe nerimwe kana mbudzana, zvinofanira kugadzirwa nenzira iyoyi. Munofanira kuita izvi pane chimwe nechimwe chazvo, sokuwanda kwezvamunenge magadzira. “ ‘Munhu wose anoberekwa munyika yenyu, anofanira kuita zvinhu izvi nenzira iyi paanenge achiuya nechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. Kuzvizvarwa zvinotevera kana mutorwa kana mumwe munhuwo zvake agere pakati penyu akapa chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza Jehovha, anofanira kuita zvakangofanana nezvamunoita imi. Ungano inofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa agere pakati penyu; uyu murayiro usingaperi kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Muchafanana pamberi paJehovha imi nomutorwa. Mirayiro mimwe cheteyo ichashanda kwamuri mose, imi nomutorwa agere pakati penyu.’ ”
Numeri 15:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai; kana muchida kugadzirira Jehovha chipiriso pamoto, chipiriso chinopiswa, kana chibayiro, chokupika nacho, kana chokungopa nokuda kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehovha chinonhuwira zvakanaka, chemombe kana chamakwai; zvino iye unopa chipo chake, anofanira kupa Jehovha chipiriso choupfu chechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechechina nehini yamafuta; unofanira kugadzirawo waini yechipiriso chinodururwa, chechina chehini, pamwechete nechipiriso chinopiswa, kana nechibayiro, pagwayana rimwe nerimwe. Kana riri gondohwe, unofanira kurigadzirira chipiriso choupfu chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nechetatu chehini yamafuta; unofanira kupawo chetatu chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Kana uchigadzira nzombe duku kuti chive chipiriso chinopiswa, kana chibayiro chokupika nacho, kana kuti zvive zvipiriso zvokuyananisa nazvo kuna Jehovha; pamwechete nenzombe duku ngaauye nechipiriso choupfu chezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nehafu yehini yamafuta. Unofanira kupawo hafu yehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa, chive chipiriso chinoitwa pamoto, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Ngazviitwe saizvozvo panzombe imwe neimwe, kana gondohwe rimwe nerimwe, kana gwayana rimwe nerimwe, kana mbudzana imwe neimwe. Munofanira kuitira chimwe nechimwe saizvozvo, zvienzane nezvose zvamunogadzira.’ Vose vanoberekerwa munyika yenyu vanofanira kuita izvozvo nenzira iyi, kana vachiuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. Kana kune mutorwa agere nemi, kana ani naani ari pakati penyu kusvikira kumarudzi enyu ose, kana achida kuuya nechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; sezvamunoita imi, naiye anofanira kuitawo saizvozvo. Paungano yenyu panofanira kuva nomutemo mumwe wenyu nowomutorwa agere nemi, uve murayiro usingaperi, kusvikira kumarudzi enyu ose; sezvamakaita imi, ndizvo zvinofanira kuita mutorwa pamberi paJehovha. Munofanira kuva nomurayiro mumwe netsika imwe, imi nomutorwa agere nemi.”
Numeri 15:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Udza vaIsiraeri kuti, kana mava munyika yandichakupai kuti mugaremo, kana munhu achiuya kuzopira mupiro wake kuna Tenzi wezvipfuwo, zvemombe kana hwai, kana mbudzi, achiita mupiro unoita zvokupiswa kana mupiro wokupisa nomoto kana mupiro wezvaakambotsidza, kana wechido chake, kana pamunochengeta enyu mazuva makuru kuti kunhuhwirira kwayo kundifadze, zvamunoita ndezvizvi: munhu anenge auya nomupiro ngaaunze mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete, newaini yomupiro wezvokunwa inokwana chikamu chapakati napakati cherita. Zvose izvozvo ngazvipirwe pamwechete nomupiro wokupisa, nechibayiro chehwayana imwe neimwe. Kana iri hondohwe, pirai pamwechete nayo upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete nechikamu chapakati napakati perita, pamwechete newaini inokwana rita nechikamu charo chapakati napakati. Kunhuhwirira kwemipiro iyoyi kunofadza Tenzi. Pamunopira Tenzi handira ichiri duku yomupiro wokupisa, kana chibayiro chomupiro wezvakatsidzwa kana mipiro yokuwadzana kuna Tenzi unzaiwo mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu matatu, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana marita maviri, pamwechete newaini inokwana marita maviri somupiro inopiswa nomoto. Kunhuhwirira kwomupiro iwoyu kunofadza ini Tenzi. “Saka ndizvo zvamunoita pamupiro mumwe nomumwe wehandira, kana hondohwe, kana hwayana hono kana mbudzana hono. Chibairo choga choga chamunopira, hazvinei kuti zvingani, chimwe nechimwe chazvo ngachiitiwe zvimwechetezvo. Chizvarwa choga choga cheIsiraeri, ngachiite saizvozvo pakupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kunofadza Tenzi. Kana pachinge paine mutorwa agere nemi zvachose, kana kuti agere nemi kwechinguva achida kupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi, anofanirawo kuita sezvamunoita. Murao mumwechete ndiwo uchasunga imi navatorwa vamugere navo. Uchagara uripo kwezvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pana Tenzi imi navatorwa hapana mutsauko. Imi navatorwa vamugere navo muchava nemitemo nemirao mimwechete.”
Numeri 15:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mapinda munyika yamunozogara, yandinokupai; kana muciɗa kugadzirira Jehova cipiriso pamŋoto, cipiriso cinopiswa, kana ciɓayiro, cokupika naco, kana cokuŋgopa nokuɗa kwenyu, kana pamitambo yenyu yakatarwa, kuti mupe Jehova cinonhuwira ɀakanaka, ceŋombe kana camakwai; ɀino iye unopa cipo cake, unofanira kupa Jehova cipiriso coʋupfu cecegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta; unofanira kugadzira ʋo waini yecipiriso cinoɗururwa, cecinna cehini, pamŋe cete necipiriso cinopiswa, kana neciɓayiro, pagwaiana rimŋe nerimŋe. Kana riri gondobge, unofanira kurigadzirira cipiriso coʋupfu ceɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa necetatu cehini yamafuta; unofanira kupa ʋo cetatu cehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Kana ucigadzira nzombe ɗuku kuti ciʋe cipiriso cinopiswa, kana ciɓayiro cokupika naco, kana kuti ɀiʋe ɀipiriso ɀokuyananisa naɀo kunaJehova; pamŋe cete nenzombe ɗuku ŋgaaʋuye necipiriso coʋupfu ceɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa nehafu yehini yamafuta. Unofanira kupa ʋo hafu yehini yewaini, ciʋe cipiriso cinoɗururwa, ciʋe cipiriso cinoitwa pamŋoto, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Ŋgaɀiitwe saiɀoɀo panzombe imŋe neimŋe, kana gondobge rimŋe nerimŋe, kana gwaiana rimŋe nerimŋe, kana mbudzana imŋe neimŋe. Munofanira kuitira cimŋe necimŋe saiɀoɀo, ɀienzane neɀose ɀamunogadzira. Ʋose ʋanoɓerekerwa munyika yenyu ʋanofanira kuita iɀoɀo nenzira iyi, kana ʋaciʋuya necipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Kana kunomutorwa ugere nemi, kana aninani uri pakati penyu kuȿikira kumarudzi enyu ose, kana aciɗa kuʋuya necipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; seɀamunoita imi, naiye unofanira kuita ʋo saiɀoɀo. Paʋuŋgano yenyu panofanira kuʋa nomutemo mumŋe wenyu nowomutorwa ugere nemi, uʋe murairo usiŋgaperi, kuȿikira kumarudzi enyu ose; seɀamakaita imi, ndiɀo ɀinofanira kuita mutorwa pamberi paJehova. Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe netsika imŋe, imi nomutorwa ugere nemi.
Numeri 15:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)