“Imi moga ndimi Tenzi. Ndimi makasika matenga nedenga rokumatengatenga negurusvusvu nezvinhu zvaro, nyika nezvose zviri mairi makungwa nezvose zviri maari Imi ndimi munozvichengeta, gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai. “Imi Tenzi Mwari ndimi makasarudza Abhuramu, mukamuburitsa kuUru yevechiKaradhea mukazoti zita rake rinzi Abhurahamu. Pamakaonawo kuti iye, munhu ane mwoyo uri pachokwadi kwamuri makaita chitenderano naye chokupa vana vake nyika yavanhu vechiKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navachiJebhusi navaGirigashi. Makazadzisa chitsidzo chenyu pamusana pokuti imi makarurama. “Makaona nhamo yakaona madzibaba edu muIjipiti mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku. Makaitira Farao zviratidzo nezvishamiso pamwechete namakurukota ake navanhu vomunyika make nokuti imi maizviziva kuti vaiitira madzibaba edu zenze rokuzvikudza mukabva mazviwanira zita kusvikira pari nhasi. Gungwa makariti nepakati tsemu vakatarisa vakapfuura vachitotsika zvavo pasi pakaoma pakati paro gungwa. Makakanda vaivaronda muhwenje hwemvura sedombo mumvura zhinji ine simba. Masikati makavatungamirira negore usiku mukavatungamirira neshongwe yemoto yokuvavhenekera nzira yokufamba nayo. Makaburuka imi pagomo reSinai mukataura navo imi muri kudenga. Makavapa zvirevo zvakarurama nemitemo iri pachokwadi. Makavapawo zvirongwa nemitemo yakanaka. Makavadzidzisa nezveSabata renyu dzvene, makavapa mirao nezvirongwa nemitemo nokuna Mosesi muranda wenyu. “Panzara yavo makavapa chingwa chokudya Kupodza nyota yavo, makavapfachurira mvura ichibva padombo. Makavati vapinde kundotora nyika iya, nyika yamakatsidzira kuvapa. “Asi ivo namadzibaba edu vakazvitutumadza, Vakaomesa musoro, mirao yenyu vakaramba kuchengeta. Vakaramba kuteerera, vakakangamwa zvishamiso zvenyu, zvishamiso zviya zvamakavaitira. Vakaomesa misoro vakatosarudza mutungamiriri wokudzokera naye kuIjipiti kuuranda. Asi imi muri Mwari anoregerera, Mwari ane nyasha netsitsi Muno mwoyo murefu nomwoyochena mukuru Hamuna kuda kuvafuratira. Kunyange pavakazviumbira chimhuru choutare hwokunyungurusa Vakati, ‘Uyu ndiye Mwari wenyu Akakuburitsai kuIjipiti.’ Vakakushonhai zvikuru. Asi imi pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda hamuna kuvafuratira murenje. Shongwe yegore yaivatungamirira masikati haina kuvasiya Shongwewo yomoto yaivavhenekera mberi nzira yavaifanira kufamba nayo usiku haina kuvasiya. Makavapa Mweya wenyu wakanaka wokuvadzidzisa, Mana yenyu yokuti vadye hamuna kuvanyima Makavapawo mvura yokupodza nyota yavo. Kwamakore makumi mana makavariritira murenje. Hapana chavaishaya. Hanzu dzavo hadzina kusakara. Makumbo avo haana kuzvimba. “Makavapa ndudzi dzavanhu nenyika dzokutonga mukavagovanisa nyika, mativi ose, nezvo vakatora kuita yavo nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyikawo yaOgi mambo weBhashani. Makavapa vana vakawanda senyenyedzi dzedenga mukauya navo munyika yamakanga matsidzira madzibaba kuzopindamo vachiita yavo. “Saizvozvo vana vavo vakapinda munyika iyoyi vakaiita yavo. Makavaisira pasi pavo vagari venyika iyi vechiKanani mukavaisa mumaoko avo pamwechete namadzimambo avo navanhu vechirudzi vomunyika imomo kuti vaite zvavanoda navo. Vakakurira maguta etsvingo nenyika yakapfuma. Vakatora kuita zvavo dzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka namatsime akaitwa zvokuchenwa padombo neminda yamagirepisi nemindawo yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda kuita machiri. Zvokudya vakadya, zvakawanda chaizvo vakanyatsoguta zvokuita miviri chaiyo Vakaita mutambaratede vagere zvavo mune zvakanaka kwazvo zvamunovapa. “Kunyange zvakadaro zvazvo havana kuteerera, vakakupandukirai. Mitemo yenyu vakakanda pasi, vakauraya vaporofita venyu vaivakurudzira kuti vatendeukire kwamuri; vakaita zvikuru zvokukushonhai. Naizvozvo imi makavaisa mumaoko avavengi vavo vakavaonesa nhamo. Panguva yenhamo yavo iyoyo vakachema kwamuri, muri kudenga ikoko makavanzwa. Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda makavapa vanunuri vakavanunura mumaoko evavengi vavo. Asi vaiti vakange vava murugare vodzokerazve mukukutadzirai. Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo kuti vagovatonga. Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri mainzwa kudenga ikoko. Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo.
Verenga chikamu Nehemiya 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nehemiya 9:6-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo