Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 9:6-28

Nehemia 9:6-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri maari. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zviri kudenga zvinokunamatai. “Ndimi Jehovha Mwari, makasarudza Abhurahama mukamubudisa kubva munyika yeUri yavaKaradhea mukamutumidza kuti Abhurahama. Makawana mwoyo wake wakatendeka kwamuri, uye makaita sungano naye kuti mupe kuzvizvarwa zvake nyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaJebhusi navaGirigashi. Makachengeta vimbiso yenyu nokuti makarurama. “Makaona kutambudzika kwamadzitateguru edu muIjipiti; mukanzwa kuchema kwavo paGungwa dzvuku. Makatuma zviratidzo nezvishamiso kuna Faro, navabati vake uye navanhu vose venyika yake, nokuti maiziva kuti vaIjipita vaizvikudza sei pamabatiro avakavaita. Makaitira zita renyu mukurumbira uripo nanhasi. Makapamura gungwa pamberi pavo, naizvozvo vakayambuka napasi pakaoma, asi makamedza vaivatevera kwakadzika, sedombo mumvura ine simba. Makavatungamirira neshongwe yegore masikati mukavatungamirira usiku neshongwe yomoto kuti vavhenekerwe munzira yavaizofamba nayo. “Makaburuka paGomo reSinai, mukataura navo kubva kudenga. Makavapa mitemo nemirayiro yakarurama neyakanaka, uye mitemo nezvakarayirwa zvakanaka. Makavazivisa Sabata renyu dzvene mukavapa zvamakarayira, mitemo nemirayiro kubudikidza nomuranda wenyu Mozisi. Vari pakati penzara makavapa chingwa chaibva kudenga, uye pavakanzwa nyota makavapa mvura yakabva padombo; makavaudza kuti vapinde kundotora nyika yamakanga mapika noruoko rwakasimudzwa kuti muvape. “Asi ivo madzitateguru edu, vakava namanyawi uye nemitsipa mikukutu, vakasateerera zvamakavarayira. Vakaramba kuteerera uye vakasarangarira zvishamiso zvamakaita pakati pavo. Vakava nemitsipa mikukutu uye pakumukira kwavo vakagadza mutungamiri kuti vadzokere kuutapwa hwavo. Asi imi muri Mwari anokanganwira, ane nyasha nengoni, anononoka kutsamwa uye azere norudo. Naizvozvo hamuna kuvasiya, kunyange zvavo vakazviitira chifananidzo chemhuru vachiti, ‘Uyu ndiye mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti,’ kana pavakamhura zvinonyangadza kwazvo. “Nokuda kwengoni dzenyu huru hamuna kuvasiya mugwenga. Shongwe yegore haina kurega kuvatungamirira masikati panzira yavo, shongwe yomoto haina kurega kuvavhenekera usiku panzira yavaifanira kufamba nayo. Makavapa Mweya wenyu wakanaka kuti uvarayire. Hamuna kuvanyima mana yenyu, uye panyota yavo makavapa mvura. Makavararamisa kwamakore makumi mana mugwenga; havana chavakashayiwa, nguo dzavo hadzina kubvaruka uye makumbo avo haana kuzvimba. “Makavapa ushe nendudzi, mukavapa nyika yose kusvika kumagumo ayo. Vakatora nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyika yaOgi mambo weBhashani. Makaita kuti vana vavo vawande senyeredzi dziri mudenga, mukavauyisa kunyika yamakaudza madzibaba avo kuti vapinde vaitore. Vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika. Makakunda vaKenani pamberi pavo, vaigara munyika iyo; makapa vaKenani kwavari, pamwe chete namadzimambo avo uye navanhu vomunyika, kuti vaite zvavanoda navo. Vakapamba maguta akakombwa nenyika ine ivhu rakanaka, vakatora dzimba dzakanga dzakazara nemhando dzose dzezvinhu zvakanaka, matsime akacherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda. Vakadya vakaguta vakava vakagwinya kwazvo; vakafara muukuru hwokunaka kwenyu. “Asi havana kuteerera uye vakakumukirai; vakafuratira murayiro wenyu. Vakauraya vaprofita venyu, vaivarayira kuti vadzokere kwamuri; vakamhura zvainyadza kwazvo. Naizvozvo makavaisa kuvavengi vavo, avo vakavadzvinyirira. Asi pavakanga vava kudzvinyirirwa vakachema kwamuri. Makavanzwa muri kudenga, uye nengoni dzenyu huru makavapa vadzikinuri, vakavarwira kubva mumaoko avavengi vavo. “Asi pavakangowana zororo, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu. Ipapo makavasiya mumaoko avavengi vavo kuti vavatonge. Zvino vakati vachemazve kwamuri, makavanzwa muri kudenga, nengoni dzenyu mukavarwira nguva nenguva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 9

Nehemia 9:6-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri. Ndimi Jehovha Mwari akatsaura Abhuramu, mukamubudisa paUri ravaKaradhea, mukamupa zita rinonzi Abhurahamu; mukaona kuti mwoyo wake wakatendeka pamberi penyu, mukaita sungano naye kuti muchapa vana vake nyika yavaKanani, neyavaHiti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaJebhusi, neyavaGirigashi, muchiita sezvamakataura, nokuti makarurama. Mukaona kutambudzika kwamadzibaba edu paIjipiti, mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku; mukaratidza Farao zviratidzo nezvinoshamisa, navaranda vake vose, navanhu vose venyika yake; nokuti makaziva kuti vakavaitira izvozvo nokuzvikudza; mukazviwanira rumbidzo, sezvazvakaita nhasi. Mukaparadzanisa gungwa pamberi pavo; naizvozvo vakayambuka pakati pegungwa pakaoma; mukawisira vateveri vavo makadzika, sebwe mumvura ine simba. Makavafambisawo masikati neshongwe yegore, nousiku neshongwe yomoto, kuti vavhenekerwe panzira yavaifanira kufamba nayo. Makaburukirawo pagomo reSinai, mukataura navo muri kudenga, mukavapa zvakatongwa zvakarurama nemirairo yazvokwadi, nemitemo yakanaka, nemirairo. Mukavazivisa Sabata renyu, dzvene, mukavaraira mirairo, nemitemo, nomurau, nomuromo waMosesi muranda wenyu; mukavapa chingwa chakabva kudenga kuvagutisa panzara yavo, mukavabudisira mvura pabwe kupedza nyota yavo, mukavaraira kuti vapinde munyika kuiita yavo, iyo yamakanga mavapikira kuvapa. Asi ivo namadzibaba edu vakaita manyawi, vakaomesa mitsipa yavo, vakasateerera mirairo yenyu. “Vakaramba kuteerera, kana kurangarira zvinoshamisa zvenyu zvamakaita pakati pavo; asi vakaomesa mitsipa yavo, vakamukira Mwari, vakazvisharira mukuru kuti vadzokere kuuranda hwavo; asi imi muri Mwari unokanganwira vanhu, une nyasha, nengoni zhinji, unononoka kutsamwa, noune tsitsi huru; hamuna kuvasiya. Kunyange panguva yavakazviitira mhuru yakaumbwa, vachiti, ‘Ndiye Mwari wenyu akakubudisai paIjipiti,’ vakakutsamwisai kwazvo, kunyange zvakadaro, hamuna kuvarasha murenje, nokuda kwetsitsi dzenyu zhinji; shongwe yegore haina kubva pamusoro panzira, kana shongwe yomoto usiku, ichirega kuvavhenekera nokuvaratidza nzira yavaifanira kufamba nayo. Makavapawo mweya wenyu wakanaka kuvadzidzisa, mukasanyima miromo yavo mana yenyu, mukavapa mvura kupedza nyota yavo. “Makavararamisa makore makumi mana murenje, vakasashaiwa chinhu; nguo dzavo hadzina kusakara, uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba. Makavapawo ushe navanhu, mukavaganhurira nyika yavo; naizvozvo vakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani. Mukawanza vana vavo vakaita senyeredzi dzokudenga; mukavasvitsa panyika yamakaudza madzibaba avo kuti vachapindamo kuzoiita yavo. “Naizvozvo vana vakapinda panyika vakaiita yavo; imi mukavakundira vanhu vakanga vagere munyika iyo, ivo vaKanani; mukavaisa mumaoko avo, pamwechete namadzimambo avo navanhu venyika iyo kuti vaite navo sezvavakanga vachida. Vakakunda maguta akakombwa, nenyika ine pfuma, vakatora dzimba dzakanga dzizere nezvose zvakanaka, zvaiti: matsime akacherwa, neminda yemidzambiringa neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda inobereka michero; naizvozvo vakadya, vakaguta, vakakora, vakazvifarira nokuda kwounyoro hwenyu ukuru. Kunyange zvakadaro havana kuteerera, vakakumukirai, vakarashira murau wenyu shure kwemisana yavo vakauraya vaporofita venyu vaivapupurira, vachida kuvadzoserazve kwamuri, vakakutsamwisai kwazvo. Saka makavaisa mumaoko avadzivisi vavo, vakavamanikidza; zvino panguva yokutambudzika kwavo, pakuchema kwavo kwamuri, makavanzwa iko kudenga, netsitsi dzenyu zhinji mukavapa varwiri vakavarwira pamaoko avadzivisi vavo. Asi vakati vazorodzwa, vakaita zvakaipazve pamberi penyu; saka makavaregerazve mumaoko avavengi vavo, ivo vakavabata nesimba; kunyange zvakadaro pakudzoka kwavo, nokuchema kwavo kwamuri, makavanzwa kudenga, mukavarwira kazhinji netsitsi dzenyu

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 9

Nehemia 9:6-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Imi moga ndimi Tenzi. Ndimi makasika matenga nedenga rokumatengatenga negurusvusvu nezvinhu zvaro, nyika nezvose zviri mairi makungwa nezvose zviri maari Imi ndimi munozvichengeta, gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai. “Imi Tenzi Mwari ndimi makasarudza Abhuramu, mukamuburitsa kuUru yevechiKaradhea mukazoti zita rake rinzi Abhurahamu. Pamakaonawo kuti iye, munhu ane mwoyo uri pachokwadi kwamuri makaita chitenderano naye chokupa vana vake nyika yavanhu vechiKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navachiJebhusi navaGirigashi. Makazadzisa chitsidzo chenyu pamusana pokuti imi makarurama. “Makaona nhamo yakaona madzibaba edu muIjipiti mukanzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku. Makaitira Farao zviratidzo nezvishamiso pamwechete namakurukota ake navanhu vomunyika make nokuti imi maizviziva kuti vaiitira madzibaba edu zenze rokuzvikudza mukabva mazviwanira zita kusvikira pari nhasi. Gungwa makariti nepakati tsemu vakatarisa vakapfuura vachitotsika zvavo pasi pakaoma pakati paro gungwa. Makakanda vaivaronda muhwenje hwemvura sedombo mumvura zhinji ine simba. Masikati makavatungamirira negore usiku mukavatungamirira neshongwe yemoto yokuvavhenekera nzira yokufamba nayo. Makaburuka imi pagomo reSinai mukataura navo imi muri kudenga. Makavapa zvirevo zvakarurama nemitemo iri pachokwadi. Makavapawo zvirongwa nemitemo yakanaka. Makavadzidzisa nezveSabata renyu dzvene, makavapa mirao nezvirongwa nemitemo nokuna Mosesi muranda wenyu. “Panzara yavo makavapa chingwa chokudya Kupodza nyota yavo, makavapfachurira mvura ichibva padombo. Makavati vapinde kundotora nyika iya, nyika yamakatsidzira kuvapa. “Asi ivo namadzibaba edu vakazvitutumadza, Vakaomesa musoro, mirao yenyu vakaramba kuchengeta. Vakaramba kuteerera, vakakangamwa zvishamiso zvenyu, zvishamiso zviya zvamakavaitira. Vakaomesa misoro vakatosarudza mutungamiriri wokudzokera naye kuIjipiti kuuranda. Asi imi muri Mwari anoregerera, Mwari ane nyasha netsitsi Muno mwoyo murefu nomwoyochena mukuru Hamuna kuda kuvafuratira. Kunyange pavakazviumbira chimhuru choutare hwokunyungurusa Vakati, ‘Uyu ndiye Mwari wenyu Akakuburitsai kuIjipiti.’ Vakakushonhai zvikuru. Asi imi pamusana petsitsi dzenyu dzakawanda hamuna kuvafuratira murenje. Shongwe yegore yaivatungamirira masikati haina kuvasiya Shongwewo yomoto yaivavhenekera mberi nzira yavaifanira kufamba nayo usiku haina kuvasiya. Makavapa Mweya wenyu wakanaka wokuvadzidzisa, Mana yenyu yokuti vadye hamuna kuvanyima Makavapawo mvura yokupodza nyota yavo. Kwamakore makumi mana makavariritira murenje. Hapana chavaishaya. Hanzu dzavo hadzina kusakara. Makumbo avo haana kuzvimba. “Makavapa ndudzi dzavanhu nenyika dzokutonga mukavagovanisa nyika, mativi ose, nezvo vakatora kuita yavo nyika yaSihoni mambo weHeshibhoni nenyikawo yaOgi mambo weBhashani. Makavapa vana vakawanda senyenyedzi dzedenga mukauya navo munyika yamakanga matsidzira madzibaba kuzopindamo vachiita yavo. “Saizvozvo vana vavo vakapinda munyika iyoyi vakaiita yavo. Makavaisira pasi pavo vagari venyika iyi vechiKanani mukavaisa mumaoko avo pamwechete namadzimambo avo navanhu vechirudzi vomunyika imomo kuti vaite zvavanoda navo. Vakakurira maguta etsvingo nenyika yakapfuma. Vakatora kuita zvavo dzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka namatsime akaitwa zvokuchenwa padombo neminda yamagirepisi nemindawo yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda kuita machiri. Zvokudya vakadya, zvakawanda chaizvo vakanyatsoguta zvokuita miviri chaiyo Vakaita mutambaratede vagere zvavo mune zvakanaka kwazvo zvamunovapa. “Kunyange zvakadaro zvazvo havana kuteerera, vakakupandukirai. Mitemo yenyu vakakanda pasi, vakauraya vaporofita venyu vaivakurudzira kuti vatendeukire kwamuri; vakaita zvikuru zvokukushonhai. Naizvozvo imi makavaisa mumaoko avavengi vavo vakavaonesa nhamo. Panguva yenhamo yavo iyoyo vakachema kwamuri, muri kudenga ikoko makavanzwa. Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda makavapa vanunuri vakavanunura mumaoko evavengi vavo. Asi vaiti vakange vava murugare vodzokerazve mukukutadzirai. Imi ndopamaivaisa mumaoko avavengi vavo kuti vagovatonga. Asi pavainge vazopinduka vochema kwamuri mainzwa kudenga ikoko. Netsiye dzenyu nyoro maivanunura kakawanda kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 9

Nehemia 9:6-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndimi Jehova, imi moga; imi makaita ɗeŋga, nokuɗeŋgaɗeŋga, nehondo dzaro dzose, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, namakuŋgwa neɀose ɀiri mukati mawo; imi munoceŋgeta ɀose; hondo dzokuɗeŋga dzinonamata kwamuri. Ndimi Jehova Mŋari wakatsaura Abrama, mukamuɓuɗisa paUri raʋaKardea, mukamupa zita rinonzi Abrahama; mukaʋona kuti mŋoyo wake wakatendeka pamberi penyu, mukaita suŋgano naye kuti mucapa ʋana ʋake nyika yaʋaKanani, neyaʋaHiti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaJebusi, neyaʋaGirgashi, muciita seɀamakataura, nokuti makarurama. Mukaʋona kutambudzika kwamadziɓaɓa eɗu paEgipita, mukanzwa kucema kwaʋo paGuŋgwa Dɀuku; mukaratidza Farao ɀiratidzo neɀinoshamisa, naʋaranda ʋake ʋose, naʋanhu ʋose ʋenyika yake; nokuti makaziʋa kuti ʋakaʋaitira iɀoɀo nokuɀikudza; mukaɀiwanira rumbidzo, seɀaɀakaita nhasi. Mukaparadzanisa guŋgwa pamberi paʋo; naiɀoɀo ʋakayambuka pakati peguŋgwa pakawoma; mukawisira ʋateʋereri ʋaʋo makadzika, sebge mumvura inesimba. Makaʋafambisa ʋo masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto, kuti ʋavenekerwe panzira yaʋaifanira kufamba nayo. Makaɓurukira ʋo pagomo reSinai, mukataura naʋo muri kuɗeŋga, mukaʋapa ɀakatoŋgwa ɀakarurama nemirairo yaɀokwaɗi, nemitemo yakanaka, nemirairo. Mukaʋaziʋisa saɓata renyu dɀene, mukaʋaraira mirairo, nemitemo, nomurau, nomuromo waMosesi muranda wenyu; mukaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga kuʋagutisa panzara yaʋo, mukaʋaɓuɗisira mvura pabge kupedza nyota yaʋo, mukaʋaraira kuti ʋapinde munyika kuiita yaʋo, iyo yamakaŋga maʋapikira kuʋapa. Asi iʋo namadziɓaɓa eɗu ʋakaita manyawi, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakasaterera mirairo yenyu, ʋakaramba kuterera, kana kuraŋgarira ɀinoshamisa ɀenyu ɀamakaita pakati paʋo; asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakamukira Mŋari, ʋakaɀisharira mukuru kuti ʋadzokere kuʋuranda bgaʋo; asi imi muri Mŋari unokaŋganwira ʋanhu, unenyasha, neŋgoni zhinji, unononoka kutsamŋa, nounetsitsi huru; hamuna‐kuʋasiya. Kunyaŋge paŋguʋa yaʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋaciti: Ndiye Mŋari wenyu wakakuɓuɗisai paEgipita, ʋakakutsamŋisai kwaɀo, kunyaŋge ɀakaɗaro, hamunakuʋarasha murenje, nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji; shoŋgwe yegore hainakubva pamsoro paʋo masikati, icirega kuʋafambisa panzira, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku, icirega kuʋavenekera nokuʋaratidza nzira yaʋaifanira kufamba nayo. Makaʋapa ʋo mŋeya wenyu wakanaka kuʋadzidzisa, mukasanyima miromo yaʋo mana yenyu, mukaʋapa mvura kupedza nyota yaʋo. Makaʋararamisa makore makumi manna murenje, ʋakasashaiwa cinhu; ŋguʋo dzaʋo hadzina‐kusakara, ʋuye tsoka dzaʋo hadzina‐kuɀimba. Makaʋapa ʋo ʋushe naʋanhu, mukaʋaganhurira nyika yaʋo; naiɀoɀo ʋakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshboni, nenyika yaOgi mambo weBashani. Mukawanza ʋana ʋaʋo ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga; mukaʋaȿitsa panyika yamakaʋudza madziɓaɓa aʋo kuti ʋacapinda’mo kuzoiita yaʋo. Naiɀoɀo ʋana ʋakapinda panyika ʋakaiita yaʋo; imi mukaʋakundira ʋanhu ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, iʋo ʋaKanani; mukaʋaisa mumaʋoko aʋo, pamŋe cete namadzimambo aʋo naʋanhu ʋenyika iyo kuti ʋaite naʋo seɀaʋakaŋga ʋaciɗa. Ʋakakunda maguta akakombga, nenyika inefuma, ʋakatora dzimba dzakaŋga dzizere neɀose ɀakanaka, ɀaiti: Matsime akacerwa, neminda yemizambiriŋga neminda yemiorivi, nemiti yakawanda inoɓereka micero; naiɀoɀo ʋakadya, ʋakaguta, ʋakakora, ʋakaɀifarira nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru. Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera, ʋakakumukirai, ʋakarashira murau wenyu shure kwemisana yaʋo ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu ʋaiʋapupurira, ʋaciɗa kuʋadzosera ɀe kwamuri, ʋakakutsamŋisai kwaɀo. Saka makaʋaisa mumaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo, ʋakaʋamanikidza; ɀino paŋguʋa yokutambudzika kwaʋo, pakucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa iko kuɗeŋga, netsitsi dzenyu zhinji mukaʋapa ʋarwiri ʋakaʋarwira pamaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo. Asi ʋakati ʋazorodzwa, ʋakaita ɀakaipa ɀe pamberi penyu; saka makaʋaregera ɀe mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, iʋo ʋakaʋaɓata nesimba; kunyaŋge ɀakaɗaro pakudzoka kwaʋo, nokucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa kuɗeŋga, mukaʋarwira kazhinji netsitsi dzenyu

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 9

Nehemia 9:6-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)