Ndimi Jehova, imi moga; imi makaita ɗeŋga, nokuɗeŋgaɗeŋga, nehondo dzaro dzose, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, namakuŋgwa neɀose ɀiri mukati mawo; imi munoceŋgeta ɀose; hondo dzokuɗeŋga dzinonamata kwamuri. Ndimi Jehova Mŋari wakatsaura Abrama, mukamuɓuɗisa paUri raʋaKardea, mukamupa zita rinonzi Abrahama; mukaʋona kuti mŋoyo wake wakatendeka pamberi penyu, mukaita suŋgano naye kuti mucapa ʋana ʋake nyika yaʋaKanani, neyaʋaHiti, neyaʋaAmori, neyaʋaPerezi, neyaʋaJebusi, neyaʋaGirgashi, muciita seɀamakataura, nokuti makarurama. Mukaʋona kutambudzika kwamadziɓaɓa eɗu paEgipita, mukanzwa kucema kwaʋo paGuŋgwa Dɀuku; mukaratidza Farao ɀiratidzo neɀinoshamisa, naʋaranda ʋake ʋose, naʋanhu ʋose ʋenyika yake; nokuti makaziʋa kuti ʋakaʋaitira iɀoɀo nokuɀikudza; mukaɀiwanira rumbidzo, seɀaɀakaita nhasi. Mukaparadzanisa guŋgwa pamberi paʋo; naiɀoɀo ʋakayambuka pakati peguŋgwa pakawoma; mukawisira ʋateʋereri ʋaʋo makadzika, sebge mumvura inesimba. Makaʋafambisa ʋo masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto, kuti ʋavenekerwe panzira yaʋaifanira kufamba nayo. Makaɓurukira ʋo pagomo reSinai, mukataura naʋo muri kuɗeŋga, mukaʋapa ɀakatoŋgwa ɀakarurama nemirairo yaɀokwaɗi, nemitemo yakanaka, nemirairo. Mukaʋaziʋisa saɓata renyu dɀene, mukaʋaraira mirairo, nemitemo, nomurau, nomuromo waMosesi muranda wenyu; mukaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga kuʋagutisa panzara yaʋo, mukaʋaɓuɗisira mvura pabge kupedza nyota yaʋo, mukaʋaraira kuti ʋapinde munyika kuiita yaʋo, iyo yamakaŋga maʋapikira kuʋapa. Asi iʋo namadziɓaɓa eɗu ʋakaita manyawi, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakasaterera mirairo yenyu, ʋakaramba kuterera, kana kuraŋgarira ɀinoshamisa ɀenyu ɀamakaita pakati paʋo; asi ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakamukira Mŋari, ʋakaɀisharira mukuru kuti ʋadzokere kuʋuranda bgaʋo; asi imi muri Mŋari unokaŋganwira ʋanhu, unenyasha, neŋgoni zhinji, unononoka kutsamŋa, nounetsitsi huru; hamuna‐kuʋasiya. Kunyaŋge paŋguʋa yaʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋaciti: Ndiye Mŋari wenyu wakakuɓuɗisai paEgipita, ʋakakutsamŋisai kwaɀo, kunyaŋge ɀakaɗaro, hamunakuʋarasha murenje, nokuɗa kwetsitsi dzenyu zhinji; shoŋgwe yegore hainakubva pamsoro paʋo masikati, icirega kuʋafambisa panzira, kana shoŋgwe yomŋoto ʋusiku, icirega kuʋavenekera nokuʋaratidza nzira yaʋaifanira kufamba nayo. Makaʋapa ʋo mŋeya wenyu wakanaka kuʋadzidzisa, mukasanyima miromo yaʋo mana yenyu, mukaʋapa mvura kupedza nyota yaʋo. Makaʋararamisa makore makumi manna murenje, ʋakasashaiwa cinhu; ŋguʋo dzaʋo hadzina‐kusakara, ʋuye tsoka dzaʋo hadzina‐kuɀimba. Makaʋapa ʋo ʋushe naʋanhu, mukaʋaganhurira nyika yaʋo; naiɀoɀo ʋakapiwa nyika yaSihoni, iyo nyika yamambo weHeshboni, nenyika yaOgi mambo weBashani. Mukawanza ʋana ʋaʋo ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga; mukaʋaȿitsa panyika yamakaʋudza madziɓaɓa aʋo kuti ʋacapinda’mo kuzoiita yaʋo. Naiɀoɀo ʋana ʋakapinda panyika ʋakaiita yaʋo; imi mukaʋakundira ʋanhu ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, iʋo ʋaKanani; mukaʋaisa mumaʋoko aʋo, pamŋe cete namadzimambo aʋo naʋanhu ʋenyika iyo kuti ʋaite naʋo seɀaʋakaŋga ʋaciɗa. Ʋakakunda maguta akakombga, nenyika inefuma, ʋakatora dzimba dzakaŋga dzizere neɀose ɀakanaka, ɀaiti: Matsime akacerwa, neminda yemizambiriŋga neminda yemiorivi, nemiti yakawanda inoɓereka micero; naiɀoɀo ʋakadya, ʋakaguta, ʋakakora, ʋakaɀifarira nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu ʋukuru. Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera, ʋakakumukirai, ʋakarashira murau wenyu shure kwemisana yaʋo ʋakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu ʋaiʋapupurira, ʋaciɗa kuʋadzosera ɀe kwamuri, ʋakakutsamŋisai kwaɀo. Saka makaʋaisa mumaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo, ʋakaʋamanikidza; ɀino paŋguʋa yokutambudzika kwaʋo, pakucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa iko kuɗeŋga, netsitsi dzenyu zhinji mukaʋapa ʋarwiri ʋakaʋarwira pamaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo. Asi ʋakati ʋazorodzwa, ʋakaita ɀakaipa ɀe pamberi penyu; saka makaʋaregera ɀe mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo, iʋo ʋakaʋaɓata nesimba; kunyaŋge ɀakaɗaro pakudzoka kwaʋo, nokucema kwaʋo kwamuri, makaʋanzwa kuɗeŋga, mukaʋarwira kazhinji netsitsi dzenyu