Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 7:4-73

Nehemiya 7:4-73 SCLB

Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa. Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi: Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake. Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana. Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri: Vanakomana vokwaParoshi zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri vokwaShefatiya mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri vokwaAra mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri Vanakomana vokwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naMoabhu zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere vokwaEramu chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana vokwaZatu mazana masere ana makumi mana navashanu vokwaZakai mazana manomwe ana makumi matanhatu vanakomana vokwaBhinui mazana matanhatu ana makumi mana navasere vokwaBhebhai mazana matanhatu ana makumi maviri navasere vokwaAzigadhi zviuru zviviri zvina mazana matatu ane makumi maviri ana vaviri vanakomana vokwaAdhomikamu mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe vokwaBhigivhai zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe vokwaAdhini mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe navasere vokwaHashumu mazana matatu ana makumi maviri ana vasere vokwaBhezai mazana matatu ana makumi maviri ana vana vokwaHarifi zana negumi navaviri vanakomana vokwaGibheoni makumi mapfumbamwe ana vashanu vokuBheterehemu nevokuNetofa zana namakumi masere ana vasere vokuAnatoti zana namakumi maviri ana vasere vokuBhetiazimavheti makumi mana ana vaviri vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti mazana manomwe ane makumi mana navatatu vokuRama nokuGebha mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete vokuMikimashi zana namakumi maviri ana vaviri vokuBhetieri neAi zana namakumi maviri ana vatatu vokune imwe Nebho makumi mashanu navaviri vokune imwe Eramu chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana vokuHarimu mazana matatu ana makumi maviri vokuJeriko mazana matatu ane makumi mana navashanu vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete vokuSenaa zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu. Vapristi: vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu vokwaImero chiuru namakumi mashanu ana vaviri vokwaPashihuru chiuru namazana maviri ana makumi mana navanomwe vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe. VaRevhi: vana vokwaJeshua vakomana vemba yokwaKadhimieri vari vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana. Vaimbi: vana vokwaAsafu: zana namakumi mana ana vasere. Vachengetedzi vapamisuo mikuru: vana vokwaSharumu vakomana naAteri naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhai vaiva zana rimwechete rine makumi matatu nevasere. Vashandi vapaTemberi vaiva vanakomana vaava vanoti: Ziha naHasufa naTabhaoti naKerosi naSiya naPadhoni naRebhana naHagabha naSharumai naHanani naGidheri naGaheru naReaya naResini naNekodha naGazamu naUza naPesea naBhesai naMeunimu naNefusimu naBhakibhuku naHakufa naHarihuru naBhaziruti naMehidha naHarisha naBharikosi naSisera naTema naNezi naHatifa. Vanakomana vavaranda vokwaSoromoni paiva nevokwaSotai naSofereti naPeridha novokwaJaara naDharikoni naGidheri novokwaShefatiya naHatiri naPokeretihazibhaimu naAmoni. Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri. Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete. Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Deraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri. Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake). Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora. Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu. Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu. Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu. Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu. Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri. Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi. Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro. Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi. Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.

Verenga chikamu Nehemiya 7