Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 7:4-73

Nehemia 7:4-73 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa. Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi: Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake. Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana. Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri: Vanakomana vokwaParoshi zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri vokwaShefatiya mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri vokwaAra mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri Vanakomana vokwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naMoabhu zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere vokwaEramu chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana vokwaZatu mazana masere ana makumi mana navashanu vokwaZakai mazana manomwe ana makumi matanhatu vanakomana vokwaBhinui mazana matanhatu ana makumi mana navasere vokwaBhebhai mazana matanhatu ana makumi maviri navasere vokwaAzigadhi zviuru zviviri zvina mazana matatu ane makumi maviri ana vaviri vanakomana vokwaAdhomikamu mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe vokwaBhigivhai zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe vokwaAdhini mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe navasere vokwaHashumu mazana matatu ana makumi maviri ana vasere vokwaBhezai mazana matatu ana makumi maviri ana vana vokwaHarifi zana negumi navaviri vanakomana vokwaGibheoni makumi mapfumbamwe ana vashanu vokuBheterehemu nevokuNetofa zana namakumi masere ana vasere vokuAnatoti zana namakumi maviri ana vasere vokuBhetiazimavheti makumi mana ana vaviri vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti mazana manomwe ane makumi mana navatatu vokuRama nokuGebha mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete vokuMikimashi zana namakumi maviri ana vaviri vokuBhetieri neAi zana namakumi maviri ana vatatu vokune imwe Nebho makumi mashanu navaviri vokune imwe Eramu chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana vokuHarimu mazana matatu ana makumi maviri vokuJeriko mazana matatu ane makumi mana navashanu vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete vokuSenaa zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu. Vapristi: vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu vokwaImero chiuru namakumi mashanu ana vaviri vokwaPashihuru chiuru namazana maviri ana makumi mana navanomwe vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe. VaRevhi: vana vokwaJeshua vakomana vemba yokwaKadhimieri vari vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana. Vaimbi: vana vokwaAsafu: zana namakumi mana ana vasere. Vachengetedzi vapamisuo mikuru: vana vokwaSharumu vakomana naAteri naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhai vaiva zana rimwechete rine makumi matatu nevasere. Vashandi vapaTemberi vaiva vanakomana vaava vanoti: Ziha naHasufa naTabhaoti naKerosi naSiya naPadhoni naRebhana naHagabha naSharumai naHanani naGidheri naGaheru naReaya naResini naNekodha naGazamu naUza naPesea naBhesai naMeunimu naNefusimu naBhakibhuku naHakufa naHarihuru naBhaziruti naMehidha naHarisha naBharikosi naSisera naTema naNezi naHatifa. Vanakomana vavaranda vokwaSoromoni paiva nevokwaSotai naSofereti naPeridha novokwaJaara naDharikoni naGidheri novokwaShefatiya naHatiri naPokeretihazibhaimu naAmoni. Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri. Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete. Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Deraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri. Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake). Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora. Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu. Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu. Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu. Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu. Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri. Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi. Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro. Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi. Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 7

Nehemia 7:4-73 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino guta rakanga rakakura uye rakapamhama asi maingova navanhu vashoma mariri, uye dzimba dzakanga dzisati dzavakwazve. Saka Mwari akaisa mumwoyo mangu kuti ndiunganidze vakuru navabati uye navamwe vanhu vose kuti vanyoreswe nemhuri dzavo. Ndakawana zvinyorwa zvemhuri dzaavo vakava vokutanga kudzokera. Izvi ndizvo zvandakawana zvakanyorwamo: Ava ndivo vanhu vedunhu vakabudiswa pautapwa vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi (vakadzokera kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake, vari pamwe chete naZerubhabheri, Jeshua, Nehemia, Azaria, naRaamia, Nahamani, Modhekai, Bhirishani, Misipereti, Bhigivhai, Nehumi naBhaana): Mazita avarume veIsraeri: Zvizvarwa zvaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri; zvaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri; zvaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri; zvaPahati-Moabhu (kubudikidza nokuna Jeshua naJoabhu), zviuru zviviri, namazana masere ane gumi navasere; zvaEramu, chiuru chimwe, china mazana maviri namakumi mashanu navana; zvaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu; zvaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu; zvaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere; zvaBhebhai, mazana matanhatu namakumi maviri navasere; zvaAzigadhi, zviuru zviviri mazana matatu namakumi maviri navaviri; zvaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe; zvaBhigivhai, zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe; zvaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu; zvaAteri (kubudikidza naHezekia), makumi mapfumbamwe navasere; zvaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere; zvaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana; zvaHarifi, zana negumi navaviri; zvaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu. Varume veBheterehema neNetofa, zana namakumi masere navasere; vokuAnatoti, zana namakumi maviri navasere; vokuBheti Azimavheti, makumi mana navaviri; vokuKiriati Jearimi, Kefira neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu; vokuRama neGebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe chete; vokuMikimashi, zana namakumi maviri navaviri; vokuBheteri neAi, zana namakumi maviri navatatu; vokune rimwe Nebho; makumi mashanu navaviri; vokune rimwe Eramu, chiuru mazana maviri namakumi mashanu navana; vokuHarimu, mazana matatu ana makumi maviri; vokuJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu; vokuRodhi, Hadhidhi neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe chete; vokuSenaa, zviuru zvitatu mazana mapfumbamwe namakumi matatu. Vaprista: zvizvarwa zvaJedhaya (kubudikidza nokumhuri yaJeshua), mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu; zvaImeri, chiuru chimwe chete namakumi mashanu navaviri; zvaPashuri, chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi mana navanomwe; zvaHarimu, chiuru chimwe chine gumi navanomwe. VaRevhi: zvizvarwa zvaJeshua (kubudikidza naKadhimieri nokumhuri yaHodhavhia), vaiva makumi manomwe navana. Vaimbi: zvizvarwa zvaAsafi, zana namakumi mana navasere. Varindi vamasuo: zvizvarwa zvaSherumi, Ateri, Tarimoni, Akubhi, Hatita, naShobhai, zana namakumi matatu navasere. Vashandi vomutemberi: zvizvarwa zvaZiha, Hasufa, Tabhoati, Kerosi, Sia, Padhoni, Rebhana, Hagabha, Sharimai, Hanani, Gidheri, Gehari, Reaya, Rezini, Nekodha, Gazamu, Uza, Pesea, Bhesai, Meunimi, Nefusimu, Bhakuki, Hakufa, Harihuri, Bhazuruti, Mehidha, Harisha, Bharikosi, Sisera, Tema, Nezia, naHatifa. Zvizvarwa zvavaranda vaSoromoni: zvizvarwa zva: Sotai, Sofereti, Peridha, Jaara, Dharikoni, Gidheri, Shefatia, Hatiri, Pokereti-Hazebhaimu naAmoni. Vashandi vomutemberi nezvizvarwa zvavaranda vaSoromoni, mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri. Ava vanotevera vaibva kumaguta okuTeri Mera, Teri Harisha Kerubhi, Adhoni neImeri, asi vakanga vasingagoni kuratidza kuti zvizvarwa zvavo zvaibva mumhuri yaIsraeri: zvizvarwa zvaDheraya, zvaTobhia nezvaNekodha zvaiva mazana matanhatu namakumi mana navaviri. Uye vaibva pakati pavaprista: zvizvarwa zvaHobhaya, Hakozi naBharizirai (murume akanga awana mwanasikana waBharizirai muGireadhi uye aidaidzwa nezita iroro). Ava vakatsvaka zvinyorwa zvemhuri dzavo, asi vakazvishaya nokudaro vakabviswa kubva kuvaprista, savasina kuchena. Naizvozvo mubati akavarayira kuti vasadya zvokudya zvipi zvazvo zvakanatswa kusvikira kwava nomuprista anoshumira neUrimi neTumimi. Ungano yose yaiva navanhu zviuru makumi mana navaviri ane mazana matatu namakumi matanhatu, pasina varanda vavo navarandakadzi vavo vaisvika zviuru zvinomwe namazana matatu ana makumi matatu navanomwe; uye vaivazve navarume navakadzi vaiva vaimbi vaisvika mazana maviri namakumi mana navashanu. Paiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu amabhiza, uye manyurusi mazana maviri namakumi mana nemashanu, mazana mana namakumi matatu namashanu engamera uye zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri zvembongoro. Vamwe vakuru vemhuri vakabatsira pabasa. Mubati akaisa madhirakema egoridhe chiuru muchivigiro chepfuma nemidziyo makumi mashanu nenhumbi dzavaprista mazana mashanu namakumi matatu. Vamwe vakuru vemhuri vakaisa muchivigiro chepfuma zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe kuitira basa, mamina esirivha zviuru zviviri namazana maviri. Uwandu hwezvakapiwa navanhu vose vose hwaiva zviuru makumi maviri zvamadhirakema egoridhe, nezviuru zviviri zvamamina esirivha, uye nenhumbi dzavaprista dzinosvika makumi matanhatu nenomwe. Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 7

Nehemia 7:4-73 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino guta rakanga riri bamhi rakakura; asi vanhu vaivamo vashoma; uye dzimba dzakanga dzichigere kuvakwa. Ipapo Mwari wangu akaisa mufungo pamwoyo pangu kuti ndikokere vakuru navatariri, navanhu, kuti vaverengwe namazita avo. Ndikawana bhuku yamazita avakatanga kusvika, ndikawana makanyorwa kudai: Ndivo vana vorutivi rwenyika yaJudha, vakadzoka pakutapwa, pakati pavakanga vakatapwa, vakatapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakadzokera Jerusaremu nokwaJudha, mumwe nomumwe kuguta rake. Ivo vakauya naZerubhabheri, naJeshua, naNehemiya, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naModhekai, naBhirishani, naMisipereti, naBhigivhadhi, naNehumi, naBhaana. Kuwanda kwavarume vavanhu vaIsiraeri ndiko: Vana vaParoshi, zviuru zviviri nezana namakumi manomwe navaviri. Vana vaShefatia, mazana matatu namakumi manomwe navaviri. Vana vaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu navaviri. Vana vaPahatimoabhi, vavana vaJeshura naJoabhu, zviuru zviviri namazana masere negumi navasere. Vana vaErami, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. Vana vaZatu, mazana masere namakumi mana navashanu. Vana vaZakai, mazana manomwe namakumi matanhatu. Vana vaBhinui, mazana matanhatu namakumi mana navasere. Vana vaBhebhai mazana matanhatu namakumi maviri navasere. Vana vaAzigadhi, zviuru zviviri namazana matatu namakumi maviri navaviri. Vana vaAdhonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu navanomwe. Vana vaBhigivhadhi, zviuru zviviri namakumi matanhatu navanomwe. Vana vaAdhini, mazana matanhatu namakumi mashanu navashanu. Vana vaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamwe navasere. Vana vaHashumi, mazana matatu namakumi maviri navasere. Vana vaBhezai, mazana matatu namakumi maviri navana. Vana vaHarifi, zana rimwe negumi navaviri. Vana vaGibheoni, makumi mapfumbamwe navashanu. Varume veBheterehemu naveNetofa, zana rimwe namakumi masere navasere. Varume veAnatoti, zana rimwe namakumi maviri navasere. Varume veBhetiazimavheti, makumi mana navaviri. Varume veKiriatijearimi, neKefira, neBheeroti, mazana manomwe namakumi mana navatatu. Varume veRama neGhebha, mazana matanhatu namakumi maviri nomumwe. Varume veMikimashi, zana rimwe namakumi maviri navaviri. Varume veBhetieri neAi, zana rimwe namakumi maviri navatatu. Varume veNebho rechipiri, makumi mashanu navaviri. Vana vaErami wechipiri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mashanu navana. Vana vaHarimi, mazana matatu namakumi maviri. Vana veJeriko, mazana matatu namakumi mana navashanu. Vana veRoghi, neHadhidhi, neOno, mazana manomwe namakumi maviri nomumwe. Vana veSenaa, zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe namakumi matatu. Vapristi vakanga vari, vana vaJedhaya, veimba yaJeshua, mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu. Vana veImeri, chiuru chimwe namakumi mashanu navaviri. Vana vaPashuri, chiuru chimwe namazana maviri namakumi mana navanomwe. Vana vaHarimi, chiuru chimwe negumi navanomwe. VaRevhi vakanga vari, vana vaJeshua weKadhimieri, wavana vaHodhevha, makumi manomwe navana. Vaimbi vakanga vari, vana vaAsafi, zana rimwe namakumi mana navasere. Varindi vemikova vakanga vari, vana vaSharumi, navana vaAteri, navana vaTarimoni, navana vaAkubhi, navana vaHatita, navana vaShobhai, zana rimwe namakumi matatu navasere. VaNetinimi vakanga vari, vana vaZhiha, navana vaHasufa, navana vaTabhaoti, navana vaKerosi, navana vaSia, navana vaPadhoni, navana vaRebhana, navana vaHagabha, navana vaSarimai, navana vaHanani, navana vaGidheri, navana vaGahari, navana vaReaya, navana vaRezini, navana vaNekodha, navana vaGazami, navana vaUza, navana vaPasea, navana vaBhesai, navana vaMeunimi, navana vaNefushesimi, navana vaBhakibhuki, navana vaHakufa, navana vaHarihuri, navana vaBhaziriti, navana vaMehidha, navana vaHarisha, navana vaBharikosi, navana vaSisera, navana vaTema, navana vaNezia, navana vaHatifa. Vana vavaranda vaSoromoni vakanga vari, vana vaSotai, navana vaSofereti, navana vaPeridha, navana vaJaara, navana vaDharikoni, navana vaGidheri, navana vaShefatia, navana vaHatiri, navana vaPokeretihazebhaimi, navana vaAmoni. VaNetinimi vose navana vavaranda vaSoromoni, vaiva mazana matatu namakumi mapfumbamwe navaviri. Ndivo vakakwira, vachibva Terimera, neTeriharisha, neKerubhi, neAdhoni, neImeri; asi vakanga vasingagoni kududza dzimba dzamadzibaba avo, kana marudzi avo, kana vakanga vari vaIsiraeri. Vana vaDheraya, navana vaTobhia, navana vaNekodha, mazana matanhatu namakumi mana navaviri. Pakati pavapristi vakanga vari, vana vaHobhaya, navana vaHakozi, navana vaBharizirai, akanga awana mukadzi wavakunda vaBharizirai muGireadhi, akazotumidzwa zita rokwavo. Ava vakatsvaka mazita avo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka vakanzi vakasvibiswa, vakabviswa paupristi. Ipapo mubati akavaudza kuti varege kudya zvinhu zvitsvene-tsvene, kusvikira kwamuka mupristi ane Urimi neTumimi. Ungano yose yakasvika zviuru zvina makumi mana nezviviri namazana matatu namakumi matanhatu, vasingaverengi varanda vavo navarandakadzi vavo, vakasvika zviuru zvinomwe namazana matatu namakumi matatu navanomwe; vaiva navaimbi varume navakadzi vana mazana maviri namakumi mana navashanu. Mabhiza avo aiva namazana manomwe namakumi matatu namatanhatu; namahesera avo mazana maviri namakumi mana namashanu; ngamera avo, mazana manomwe namakumi matatu namashanu; mbongoro dzavo zviuru zvitanhatu namazana manomwe namakumi maviri. Vamwe vakuru vedzimba dzamadzibaba avo vakapa zvipo kuzobata basa. Mubati wakapa chivigiro chepfuma madariki endarama ane chiuru chimwe, nembiya dzina makumi mashanu, nenguo dzavapristi dzina mazana mashanu namakumi matatu. Vamwe vakuruwo vedzimba dzamadzibaba vakapa muchivigiro chepfuma yokubata basa nayo, madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri namazana maviri. Vamwe vanhu vakapa madariki endarama ane zviuru zvina makumi maviri, nepondo dzesirivha dzine zviuru zviviri, nenguo dzavapristi dzina makumi matanhatu nenomwe. Zvino vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo. Mwedzi wechinomwe wakati uchisvika, vana vaIsiraeri vakanga vagere pamaguta avo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 7

Nehemia 7:4-73 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Guta rakanga rakafara riri guru, asi vanhu vakanga varimo vaiva vashoma kusina dzimba dzakanga dzati dzavakwa. Mwari wangu akaisa pfungwa mumwoyo mangu yokuti ndiunganidze vokumba huru namakurukota navanhu kuti vanyorwe mazita chizvarwa nezvizvarwa. Ndakawana bhuku rina mazita ezvizvarwa zvavanhu zvavakatanga kuuya vaye, ndikawana makanyorwa kunzi: Havanoi vanhu venyika ino vakakwira kuuya vachibva kuutapwa panhapwa dziya dzakanga dzambotapwa dzikatamisirwa kusi kwadzo naNebhukadhinezari mambo weBahabhironi, vakadzokera muJerusaremu nokwaJudha, munhu wose kuguta rokwake. Vakauya naZerubhabhero naJeshua naNehemiya naAzariya naRaamiya naNahamani naModhekai naBhirishani naMisipereti naBhigivhai naNehumu naBhaana. Uhu ndihwo huwandi hwavarume vokwaIsiraeri: Vanakomana vokwaParoshi zviuru zviviri zvavanhu zvina makumi manomwe ana vaviri vokwaShefatiya mazana matatu ane makumi manomwe ane vaviri vokwaAra mazana matanhatu ane makumi mashanu ana vaviri Vanakomana vokwaPahatimoabhu vari vokwaJeshua naMoabhu zviuru zviviri zvina mazana masere ane gumi navasere vokwaEramu chiuru china mazana maviri ana makumi mashanu ana vana vokwaZatu mazana masere ana makumi mana navashanu vokwaZakai mazana manomwe ana makumi matanhatu vanakomana vokwaBhinui mazana matanhatu ana makumi mana navasere vokwaBhebhai mazana matanhatu ana makumi maviri navasere vokwaAzigadhi zviuru zviviri zvina mazana matatu ane makumi maviri ana vaviri vanakomana vokwaAdhomikamu mazana matanhatu ana makumi matanhatu navanomwe vokwaBhigivhai zviuru zviviri zvina makumi matanhatu navanomwe vokwaAdhini mazana matanhatu ana makumi mashanu ane vashanu vanakomana vokwaAteri vari vokwaHezekiya makumi mapfumbamwe navasere vokwaHashumu mazana matatu ana makumi maviri ana vasere vokwaBhezai mazana matatu ana makumi maviri ana vana vokwaHarifi zana negumi navaviri vanakomana vokwaGibheoni makumi mapfumbamwe ana vashanu vokuBheterehemu nevokuNetofa zana namakumi masere ana vasere vokuAnatoti zana namakumi maviri ana vasere vokuBhetiazimavheti makumi mana ana vaviri vokuKiraitijearimu nokuKepfira nokuBheeroti mazana manomwe ane makumi mana navatatu vokuRama nokuGebha mazana matanhatu ana makumi maviri nomumwechete vokuMikimashi zana namakumi maviri ana vaviri vokuBhetieri neAi zana namakumi maviri ana vatatu vokune imwe Nebho makumi mashanu navaviri vokune imwe Eramu chiuru china mazana maviri ane makumi mashanu navana vokuHarimu mazana matatu ana makumi maviri vokuJeriko mazana matatu ane makumi mana navashanu vokuRodhi nokuHadhidhi nokuOno mazana manomwe ana makumi maviri nomumwechete vokuSenaa zviuru zvitatu namazana mapfumbamwe ana makumi matatu. Vapristi: vana vokwaJedhaya vakomana vari vemba yokwaJeshua vaiva mazana mapfumbamwe namakumi manomwe navatatu vokwaImero chiuru namakumi mashanu ana vaviri vokwaPashihuru chiuru namazana maviri ana makumi mana navanomwe vokwaHarimu chiuru negumi navanomwe. VaRevhi: vana vokwaJeshua vakomana vemba yokwaKadhimieri vari vokwaHodhevha vaiva makumi manomwe ana vana. Vaimbi: vana vokwaAsafu: zana namakumi mana ana vasere. Vachengetedzi vapamisuo mikuru: vana vokwaSharumu vakomana naAteri naTarimoni naAkubhu naHatita naShobhai vaiva zana rimwechete rine makumi matatu nevasere. Vashandi vapaTemberi vaiva vanakomana vaava vanoti: Ziha naHasufa naTabhaoti naKerosi naSiya naPadhoni naRebhana naHagabha naSharumai naHanani naGidheri naGaheru naReaya naResini naNekodha naGazamu naUza naPesea naBhesai naMeunimu naNefusimu naBhakibhuku naHakufa naHarihuru naBhaziruti naMehidha naHarisha naBharikosi naSisera naTema naNezi naHatifa. Vanakomana vavaranda vokwaSoromoni paiva nevokwaSotai naSofereti naPeridha novokwaJaara naDharikoni naGidheri novokwaShefatiya naHatiri naPokeretihazibhaimu naAmoni. Ivava vashandi vapaTemberi pamwechete navaranda vaSoromoni vose vaiva mazana matatu ane makumi mapfumbamwe navaviri. Kune vamwe vaibva kuTerimera nokuTeriharisha nokuKerubhu nokuAdhoni nokuImero, asi havana kukwanisa kurondedzera dzimba dzemadzibaba avo uye kuti ivo pachavo ndevechiIsiraeri here kana kuti kwete. Vakanga vari vanakomana vaava vanoti: Deraya naTobhiya naNekodha. Ivava ava vaiva vari mazana matanhatu ane makumi mana navaviri. Pakati pavapristi paivawo navanakomana vaava vanoti: Hobaya naHakozi naBhazirai (Bhazirai uyu ndiye uya wokuroora mwana waBhazirai wokuGireadhi akazenge ava kudaidzwa nezita rake). Ivava ava vakatsvaka mazita avo pamazita akanga akanyorwa chizvarwa nechizvarwa, asi haana kuwanikwapo. Ipapo paupristi apa, vakanzi vakan'ora. Sadunhu akavati varege kudya zvokudya zvinoeresesa kusvikira patova nomupristi wokunzwa kuti Mwari anoti kudii achishandisa Urimu neTumimu. Gungano racho rose pamwechete rakanga riina vanhu zviuru makumi mana ane zviviri zvine mazana matatu ana makumi matanhatu avanhu. Tisingaverengere varanda vavo vechirume nevechikadzi vakangawo vari zviuru zvinomwe zvavanhu zvina vanhu mazana matatu ana makumi matatu navanomwe. Vakangawo vaina vaimbi varume navakadzi vaiita mazana maviri ana makumi mana navashanu. Vaiva namabhiza avo mazana manomwe ana makumi matatu ana matanhatu, nemanyurusi avo mazana maviri ana makumi mana namashanu. Kwozouya ngamera dzavo mazana mana ana makumi matatu ane shanu namadhongi zviuru zvitanhatu zvina mazana manomwe namakumi maviri. Zvino vamwe vatungamiriri vedzimba dzemadzibaba avo vakapa zvipo zvokubatsira pabasa iri. Gavhuna akabvisawo ndarama inorema makirogiramu angangoita masere nembenge makumi mashanu namagemenzi mazana mashanu ane makumi matatu avapristi zvikaendeswa maichengeterwa upfumi. Izvozvo vamwe vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo vakabvisa ndarama yainge yoda kuita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu namasere, nesirivha yainge tani rimwechete rina makirogiramu mazana maviri namakumi mashanu, namagemenzi makumi matanhatu ana manomwe avapristi, vakaendesa maichengeterwa upfumi hwainge hwakanangana nebasa iroro. Zvakabviswawo nevamwe vanhu vose ndezvizvi izvi zvinoti: ndarama ingangoita zana remakirogiramu rina makirogiramu makumi matanhatu ana masere, nesirivha yainge makirogiramu zana nemakumi mana, namagemenzi makumi matanhatu namanomwe avapristi. Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 7

Nehemia 7:4-73 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino guta rakaŋga riri ɓamhi rakakura; asi ʋanhu ʋaiʋa’mo ʋashoma; ʋuye dzimba dzakaŋga dzicigere kuʋakwa. Ipapo Mŋari waŋgu wakaisa mufuŋgo pamŋoyo paŋgu kuti ndikokere ʋakuru naʋatariri, naʋanhu, kuti ʋaʋereŋgwe namazita aʋo. Ndikawana buku yamazita aʋakataŋga kuȿika, ndikawana makanyorwa kuɗai: Ndiʋo ʋana ʋorutiʋi rwenyika yaJuda, ʋakadzoka pakutapxa, pakati paʋakaŋga ʋakatapxa, ʋakatapxa naNebukadnezari mambo weBabironi, ʋakadzokera Jerusarema nokwaJuda, mumŋe nomumŋe kuguta rake: Iʋo ʋakaʋuya naZerubaberi, naJeshua, naNehemia, naAzaria, naRaamia, naNahamani, naMordekai, naBirshani, naMispereti, naBigvai, naNehumi, naBaana. Kuwanda kwaʋarume ʋaʋanhu ʋaIsraeri ndiko: Ʋana ʋaParoshi, ɀuru ɀiʋiri nezana namakumi manomŋe naʋaʋiri. Ʋana ʋaShefatia, mazana matatu namakumi manomŋe naʋaʋiri. Ʋana ʋaAra, mazana matanhatu namakumi mashanu naʋaʋiri. Ʋana ʋaPahati‐moabi, ʋaʋana ʋaJeshua naJoabi, ɀuru ɀiʋiri namazana masere negumi naʋasere. Ʋana ʋaErami, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna. Ʋana ʋaZatu, mazana masere namakumi manna naʋashanu. Ʋana ʋaZakai, mazana manomŋe namakumi matanhatu. Ʋana ʋaBinui, mazana matanhatu namakumi manna naʋasere. Ʋana ʋaBebai, mazana matanhatu namakumi maʋiri naʋasere. Ʋana ʋaAzgadi, ɀuru ɀiʋiri namazana matatu namakumi maʋiri naʋaʋiri. Ʋana ʋaAdonikami, mazana matanhatu namakumi matanhatu naʋanomŋe. Ʋana ʋaBigvai, ɀuru ɀiʋiri namakumi matanhatu naʋanomŋe. Ʋana ʋaAdini, mazana matanhatu namakumi mashanu naʋashanu. Ʋana ʋaAteri, waHezekia, makumi mapfumbamŋe naʋasere. Ʋana ʋaHashumi, mazana matatu namakumi maʋiri naʋasere. Ʋana ʋaBezai, mazana matatu namakumi maʋiri naʋanna. Ʋana ʋaHarifi, zana rimŋe negumi naʋaʋiri. Ʋana ʋaGibeoni, makumi mapfumbamŋe naʋashanu. Ʋarume ʋeBeti‐rehemi naʋeNetofa, zana rimŋe namakumi masere naʋasere. Ʋarume ʋeAnatoti, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋasere. Ʋarume ʋeBeti‐Azmaveti, makumi manna naʋaʋiri. Ʋarume ʋeKiriati‐jearimi, neKefira, neBeeroti, mazana manomŋe namakumi manna naʋatatu. Ʋarume ʋeRama neGeba, mazana matanhatu namakumi maʋiri nomumŋe. Ʋarume ʋeMikmashi, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋaʋiri. Ʋarume ʋeBeti‐eri neAi, zana rimŋe namakumi maʋiri naʋatatu. Ʋarume ʋeNebo recipiri, makumi mashanu naʋaʋiri. Ʋana ʋaErami wecipiri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi mashanu naʋanna. Ʋana ʋaHarimi, mazana matatu namakumi maʋiri. Ʋana ʋeJeriko, mazana matatu namakumi manna naʋashanu. Ʋana ʋeRodi, neHadidi, neOno, mazana manomŋe namakumi maʋiri nomumŋe. Ʋana ʋeSenaa, ɀuru ɀitatu namazana mapfumbamŋe namakumi matatu. Ʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJedaya, ʋeimba yaJeshua, mazana mapfumbamŋe namakumi manomŋe naʋatatu. Ʋana ʋeImeri, curu cimŋe namakumi mashanu naʋaʋiri. Ʋana ʋaPashuri, curu cimŋe namazana maʋiri namakumi manna naʋanomŋe. Ʋana ʋaHarimi, curu cimŋe negumi naʋanomŋe. ƲaRevi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaJeshua weKadmieri, waʋana ʋaHodeva, makumi manomŋe naʋanna. Ʋaimbi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaAsafi, zana rimŋe namakumi manna naʋasere. Ʋarindi ʋemikoʋa ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSharumi, naʋana ʋaAteri, naʋana ʋaTarmoni, naʋana ʋaAkubi, naʋana ʋaHatita, naʋana ʋaShobai, zana rimŋe namakumi matatu naʋasere. ƲaNetinimi ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaZiha, naʋana ʋaHasufa, naʋana ʋaTabaoti, naʋana ʋaKerosi, naʋana ʋaSia, naʋana ʋaPadoni, naʋana ʋaRebana, naʋana ʋaHagaba, naʋana ʋaSarmai, naʋana ʋaHanani, naʋana ʋaGideri, naʋana ʋaGahari, naʋana ʋaReaya, naʋana ʋaRezini, naʋana ʋaNekoda, naʋana ʋaGazami, naʋana ʋaUza, naʋana ʋaPasea, naʋana ʋaBesai, naʋana ʋaMeunimi, naʋana ʋaNefushesimi, naʋana ʋaBakbuki, naʋana ʋaHakufa, naʋana ʋaHarhuri, naʋana ʋaBazriti, naʋana ʋaMehida, naʋana ʋaHarsha, naʋana ʋaBarkosi, naʋana ʋaSisera, naʋana ʋaTema, naʋana ʋaNezia, naʋana ʋaHatifa. Ʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaSotai, naʋana ʋaSofereti, naʋana ʋaPerida, naʋana ʋaJaara, naʋana ʋaDarkoni, naʋana ʋaGideri, naʋana ʋaShefatia, naʋana ʋaHatiri, naʋana ʋaPokereti‐hazebaimi, naʋana ʋaAmoni. ƲaNetinimi ʋose naʋana ʋaʋaranda ʋaSoromoni, ʋaiʋa mazana matatu namakumi mapfumbamŋe naʋaʋiri. Ndiʋo ʋakakwira, ʋacibva Terimera, neTeri‐harsha, neKerubi, neAdoni, neImeri; asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuɗudza dzimba dzamadziɓaɓa aʋo, kana marudzi aʋo, kana ʋakaŋga ʋari ʋaIsraeri: Ʋana ʋaDeraya, naʋana ʋaTobia, naʋana ʋaNekoda, mazana matanhatu namakumi manna naʋaʋiri. Pakati paʋaprista ʋakaŋga ʋari: Ʋana ʋaHobaya, naʋana ʋaHakozi, naʋana ʋaBarzirai, wakaŋga awana mukadzi waʋakunda ʋaBarzirai muGireadi, akazotumidzwa zita rokwaʋo. Aʋa ʋakatȿaka mazita aʋo pakati pamazita amadziteteguru, asi akashaikwa; saka ʋakanzi ʋakaȿiɓiswa, ʋakabviswa paʋuprista. Ipapo muɓati akaʋaʋudza kuti ʋarege kudya ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, kuȿikira kwamuka muprista uneUrimi neTumimi. Ʋuŋgano yose yakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀiʋiri namazana matatu namakumi matanhatu, ʋasiŋgaʋereŋgi ʋaranda ʋaʋo naʋarandakadzi ʋaʋo, ʋakaȿika ɀuru ɀinomŋe namazana matatu namakumi matatu naʋanomŋe; ʋaiʋa naʋaimbi ʋarume naʋakadzi ʋanamazana maʋiri namakumi manna naʋashanu. Mabiza aʋo aiʋa namazana manomŋe namakumi matatu namatanhatu; namahesera aʋo mazana maʋiri namakumi manna namashanu; namakamera aʋo, mazana manomŋe namakumi matatu namashanu; mboŋgoro dzaʋo ɀuru ɀitanhatu namazana manomŋe namakumi maʋiri. Ʋamŋe ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakapa ɀipo kuzoɓate‐ɓasa. Muɓati wakapa ciʋigiro cefuma madariki endarama anecuru cimŋe, nembiya dzinamakumi mashanu, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamazana mashanu namakumi matatu. Ʋamŋe ʋakuru ʋo ʋedzimba dzamadziɓaɓa ʋakapa muciʋigiro cefuma yokuɓate‐ɓasa nayo, madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri namazana maʋiri. Ʋamŋe ʋanhu ʋakapa madariki endarama aneɀuru ɀinamakumi maʋiri, nepondo dzesirveri dzineɀuru ɀiʋiri, neŋguʋo dzaʋaprista dzinamakumi matanhatu nenomŋe. Ɀino ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋamŋe ʋanhu, naʋaNetinimi, naʋaIsraeri ʋose ʋakagara pamaguta aʋo. Mŋedzi wecinomŋe wakati uciȿika, ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋagere pamaguta aʋo.