Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 2:11-20

Nehemiya 2:11-20 SCLB

Saizvozvo ndakasvika kuJerusaremu ndikagarako mazuva matatu. Ndakamuka usiku ini navamwe varume vashomanini. Hapana wandainge ndaudza zvakanga zvaiswa mupfungwa dzangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu. Ndakanga ndisina chimwe chipfuwo kusiya chandakanga ndakatasva. Ndakabuda usiku ihwohwo napasuo rokuBani ndakananga kutsime reMakava nokusuo rokuMarara ndichiongorora tsvingo dzeJerusaremu dzakanga dzakoromorwa nemisuo yaro mikuru yakanga yaparadzwa nomoto. Ndakazoenda kusuo guru reChisipiti nokuDziva raMambo asi pakanga pasina mukana wokuti chipfuwo chandakanga ndakatasva chipfuure napo. Ndopandakazokwira nebani usiku ihwohwo ndichiongorora rusvingo. Ndakadzoka ndokupinda nepasuo guru rokuBani ndokudzoka zvangu. Makurukota haana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandaiita. Ndakanga ndisati ndataurira vaJudha kana vapristi nevekumbahuru, kunyange machinda kana vamwe vose vaizoita basa iro. Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka. Asi Sanibharati muHoroni nejinda riya Tobhiya muAmoni naGeshemu muArabhu pavakazvinzwa vakatisveeredza vachitishora vachiti, “Chamuri kuita ndochii ichochi? Kupandukira mamboka uku?” Ndakavapindura ndichiti, “Mwari wedenga ndiye achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichasimuka tivake, chenyu imi muJerusaremu hapana, ungave mugove zvawo kana chamungatiwo zvacho chenyu kunyange chirangaridzo zvacho.”

Verenga chikamu Nehemiya 2