Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemia 2:11-20

Nehemia 2:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Naizvozvo ndakaenda kuJerusarema ndikagarako kwamazuva matatu. Ndakamuka usiku navarume vashoma shoma. Ndakanga ndisina kumboudza munhu zvakanga zvaiswa mumwoyo mangu naMwari wangu kuti ndiite muJerusarema. Pakanga pasina chimwe chipfuwo kunze kwechandakanga ndakatasva. Ndakabuda usiku ndikapinda napaSuo roMupata ndakananga nokuTsime reShato nokuSuo raMarara, ndichiongorora masvingo eJerusarema, akanga akoromorwa, uye masuo awo, akanga aparadzwa nomoto. Ipapo ndakapfuurira mberi ndakananga kuSuo reTsime nokuDziva raMambo, asi pakanga pasina nzvimbo yokupinda nechipfuwo changu; saka ndakakwidza nokumupata nousiku, ndichiongorora rusvingo. Pakupedzisira, ndakadzoka ndikapindazve napakati peSuo roMupata. Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandakanga ndichiita, nokuti ndakanga ndisati ndambotaura chinhu kuvaJudha kana kuvaprista kana vakuru kana vabati, kana vamwewo zvavo vaizoita basa. Ipapo ndakati kwavari, “Muri kuona dambudziko ratinaro here: Jerusarema rava dongo, uye masuo aro akapiswa nomoto. Uyai, ngativakeizve rusvingo rweJerusarema, kuti tisazonyadziswazve.” Ndakavaudza pamusoro poruoko rwenyasha rwaMwari wangu rwaiva pamusoro pangu uye zvakanga zvataurwa namambo kwandiri. Ivo vakati, “Ngatitangei kuvaka.” Saka vakatanga basa rakanaka iri. Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda wavaAmoni naGeshemu muArabhu vakati vazvinzwa, vakatiseka uye vakatizvidza. Vakatibvunza vachiti, “Chiiko ichi chamuri kuita? Muri kumukira mambo kanhi?” Ndakavapindura ndikati, “Mwari wokudenga achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichatanga kuvaka asi kana murimi, hamuna mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusarema.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 2

Nehemia 2:11-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Naizvozvo ndakasvika Jerusaremu ndikagarapo mazuva matatu. Ndikamuka usiku, ini navamwe vanhu vashoma; asi handina kuudza munhu zvakanga zvaiswa mumwoyo mangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu; uye ndakanga ndisine chimwe chipfuwo neni, asi chipfuwo chandakanga ndichitasva. Ndikabuda usiku napasuo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuo raMarara, ndikacherekedza masvingo eJerusaremu akanga akoromoka, namasuo aro akanga atsva nomoto. Ipapo ndikapfuurira kusvika pasuo reTsime, nokudziva ramambo; asi pakanga pasine nzvimbo pangapfuura napo chipfuwo chandakanga ndakatasva. Ipapo ndakakwira usiku naparukova, ndikacherekedza rusvingo; ndikadzoka, ndikapinda napasuo roMupata, ndikadzoka saizvozvo. Vabati havana kuziva kwandakanga ndaenda, kana zvandakanga ndandoita; nokuti ndakanga ndisina kuudza vaJudha, kana vapristi, kana vakuru, kana vabati, kana vamwe vabati vebasa. Zvino ndakati kwavari, “Munoona nhamo yedu, kuti Jerusaremu rava dongo, namasuo aro atsva nomoto; hendei tindovakazve rusvingo rweJerusaremu, tirege kugara tichishorwa.” Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati, “Ngatisimuke, tivake.” Naizvozvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka. Asi Sanibharati muHoroni, naTobhia muranda, muAmoni, naGeshemu, muArabhia, vakati vachinzwa, vakatiseka, nokutininipisa, vakati, “Chinyiko ichi chamunoita? Munoda kumukira mambo kanhi?” Ipapo ndakavapindura, ndikati kwavari, “Mwari wokudenga achatifambisa zvakanaka; saka isu varanda vake tichasimuka, nokuvaka; asi imi hamuno mugove kana simba kana chirangaridzo paJerusaremu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 2

Nehemia 2:11-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Saizvozvo ndakasvika kuJerusaremu ndikagarako mazuva matatu. Ndakamuka usiku ini navamwe varume vashomanini. Hapana wandainge ndaudza zvakanga zvaiswa mupfungwa dzangu naMwari wangu kuti ndiitire Jerusaremu. Ndakanga ndisina chimwe chipfuwo kusiya chandakanga ndakatasva. Ndakabuda usiku ihwohwo napasuo rokuBani ndakananga kutsime reMakava nokusuo rokuMarara ndichiongorora tsvingo dzeJerusaremu dzakanga dzakoromorwa nemisuo yaro mikuru yakanga yaparadzwa nomoto. Ndakazoenda kusuo guru reChisipiti nokuDziva raMambo asi pakanga pasina mukana wokuti chipfuwo chandakanga ndakatasva chipfuure napo. Ndopandakazokwira nebani usiku ihwohwo ndichiongorora rusvingo. Ndakadzoka ndokupinda nepasuo guru rokuBani ndokudzoka zvangu. Makurukota haana kuziva kwandakanga ndaenda kana zvandaiita. Ndakanga ndisati ndataurira vaJudha kana vapristi nevekumbahuru, kunyange machinda kana vamwe vose vaizoita basa iro. Ndopandakazovataurira kuti murikungoonawo dambudziko ratinaro rokuti Jerusaremu rangova dongo kudai, Misuo yaro mikuru yakapiswa. Uyai tivakire Jerusaremu rusvingo tirege kunge ticharamba tiri vanhu vakafumuka. Ndakavataurira nezveruoko rwaMwari wangu rwaiva pandiri kuti zvindifambire zvakanaka namazwiwo andakataurirwa namambo. Ivo vakati, “Ngatisimukei tivake.” Vakagwinyisa maoko avo kuita basa rakanaka. Asi Sanibharati muHoroni nejinda riya Tobhiya muAmoni naGeshemu muArabhu pavakazvinzwa vakatisveeredza vachitishora vachiti, “Chamuri kuita ndochii ichochi? Kupandukira mamboka uku?” Ndakavapindura ndichiti, “Mwari wedenga ndiye achaita kuti tibudirire. Isu varanda vake tichasimuka tivake, chenyu imi muJerusaremu hapana, ungave mugove zvawo kana chamungatiwo zvacho chenyu kunyange chirangaridzo zvacho.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 2

Nehemia 2:11-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Naiɀoɀo ndakaȿika Jerusarema ndikagara’po mazuʋa matatu. Ndikamuka ʋusiku, ini naʋamŋe ʋanhu ʋashoma; asi handinakuʋudza munhu ɀakaŋga ɀaiswa mumŋoyo maŋgu naMŋari waŋgu kuti ndiitire Jerusarema; ʋuye ndakaŋga ndisinecimŋe cipfuwo neni, asi cipfuwo candakaŋga ndicitaȿa. Ndikaɓuɗa ʋusiku napasuʋo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuʋo raMarara, ndikacerekedza maȿiŋgo eJerusarema akaŋga akoromoka, namasuʋo aro akaŋga atȿa nomŋoto. Ipapo ndikapfuʋurira kuȿika pasuʋo reTsime, nokudziʋa ramambo; asi pakaŋga pasinenɀimbo paŋgapfuʋura napo cipfuwo candakaŋga ndakataȿa. Ipapo ndakakwira ʋusiku naparukoʋa, ndikacerekedza ruȿiŋgo; ndikadzoka, ndikapinda napasuʋo roMupata, ndikadzoka saiɀoɀo. Ʋaɓati haʋana‐kuziʋa kwandakaŋga ndaenda, kana ɀandakaŋga ndandoita; nokuti ndakaŋga ndisinakuʋudza ʋaJuda, kana ʋaprista, kana ʋakuru, kana ʋaɓati, kana ʋamŋe ʋaɓati ʋeɓasa. Ɀino ndakati kwaʋari: Munoʋona nhamo yeɗu, kuti Jerusarema raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto; hendei tindoʋaka ɀe ruȿiŋgo rweJerusarema, tirege kugara ticishoʋorwa. Ndikaʋaʋudza ɀokunaka kworuʋoko rwaMŋari rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu; namashoko amambo aakandiʋudza. Iʋo ʋakati: Ŋgatisimuke, tiʋake. Naiɀoɀo ʋakasimbisa maʋoko aʋo kuɓate‐ɓasa rakanaka. Asi Sanbarati muHoroni, naTobia muranda, muAmoni, naGeshemi, muArabia, ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatiseka, nokutininipisa, ʋakati: Cinyiko ici camunoita? Munoɗa kumukira mambo kanhi? Ipapo ndakaʋapindura, ndikati kwaʋari: Mŋari wokuɗeŋga ucatifambisa ɀakanaka; saka isu ʋaranda ʋake ticasimuka, nokuʋaka; asi imi hamunomugoʋe kana simba kana ciraŋgaridzo paJerusarema.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Nehemia 2

Nehemia 2:11-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)