Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya. Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata. Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga. Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira. Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere; nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.” Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru, nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara. Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kudunhu reGenesareti ndokusungirira igwa pamahombekombe. Vakati vachibuda mugwa riya vanhu vakabva vangomuziva. Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari. Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa.
Verenga chikamu Mariko 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 6:45-56
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo