Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 6:45-56

Mako 6:45-56 SNA2002

Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire kuyambukira mhiri Bhetisaidha, iye achiendesa vanhu vazhinji. Akati aonekana navo, akaenda mugomo kundonyengetera. Ava madekwana igwa rakanga riri pakati pegungwa, iye ari oga panyika. Zvino akati achiona kuti vanotambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa, nenguva inenge seyechina yousiku, akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; akada kupfuura. Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakati “Mudzimudzangara,” vakaridza mhere. Nokuti vose vakamuona, vakakundiswa; akataura navo, akati kwavari, “Tsungai mwoyo, ndini, musatya.” Akakwira kwavari muigwa, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mumwoyo yavo. Nokuti vakanga vasati vanzwisisa shoko rezvingwa, nokuti mwoyo yavo yakanga iri mikukutu. Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira igwa pamhenderekedzo. Vakati vabuda muigwa, pakarepo vanhu vakamuziva, vakamhanyira munyika yose iyo, vakatanga kutakura vairwara panhoo dzavo, vakavaisa pavainzwa kuti ndiko kwaari. Pose paakapinda pamisha napamaguta, naparuwa vakaradzika vairwara padare, vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate kunyange mupendero wenguo dzake chete; vose vakamubata vakaporeswa.

Verenga chikamu Mako 6