Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 14:22-36

Mariko 14:22-36 SCLB

Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi. Jesu akazoti kwavari, “Mucharasiswa mose nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi, hwai dzigopararira.’ Asi mushure mokunge ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akati kwaari, “Kunyange vamwe vose vangarasiswe zvavo asi ini kwete.” Jesu ndokuti kwaari, “Zviro kwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi, iwe uchandiramba katatu jongwe risati rarira kaviri.” Asi iye akabva atosimbisisa kwazvo achiti, “Kana zvazvo ndikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Vamwe vose vakadarowo. Vakaenda panzvimbo inonzi Getsemani. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndimbonamata.” Akatora Pita, naJemusi naJohani. Akatanga kubatwa nokutya kukuru nokusuruvara. Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.” Akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi akanamata kuti kana zvichigoneka zvaizoitika nguva iyi zvimupfuure zvake. Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”

Verenga chikamu Mariko 14