Mako 14:22-36
Mako 14:22-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vari pakudya, Jesu akatora chingwa, akavonga uye akachimedura, akapa vadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu ndiwo muviri wangu.” Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri. Akati kwavari, “Iri ndiro ropa rangu resungano, rinodururirwa vazhinji. Ndinokuudzai chokwadi kuti handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira pazuva randichazochinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari.” Vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kuGomo reMiorivhi. Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’ Asi mushure mokumuka kwangu, ndichatungamira kuGarirea imi mozotevera.” Petro akati, “Kunyange dai vose vakakurambai, ini kwete.” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, nhasi, manheru ano chaiwo, jongwe risati rarira kaviri, iwe pachako uchandiramba katatu.” Asi Petro akaramba akasimbisisa achiti, “Kunyange dai ndichifanira kufa nemi, handizombokurambai.” Uye vamwe vose vakadarowo. Vakaenda kunzvimbo inonzi Getsemani, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichambondonyengetera.” Akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye, akatanga kushungurudzika zvikuru uye akatambudzika. Akati, “Mweya wangu wazara neshungu kwazvo kusvikira pakufa. Garai pano uye murambe makarinda.” Akati aenda chinhambwe zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti kana zvichibvira nguva iyi ipfuure, ibve kwaari. Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”

Mako 14:22-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokuvapa, achiti, “Gamuchirai, ichi uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri. Akati kwavari, “Ichi iropa rangu rechitenderano itsva, rinodururirwa vazhinji. “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, handichazonwizve muchero womudzambiringa, kusvikira zuva iro randichazonwa naro, zvava zvitsva, muushe hwaMwari.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi. Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.’ Asi kana ndamutswa, ndichakutungamirirai Gariria.” Zvino Petirosi akati kwaari, “Kunyange vose vakagumburwa, ini kwete.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, kuti nhasi, usiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Asi iye akareva nokusimbisa, achiti, “Kunyange ndikafanira kufa nemi, handingatongokurambii.” Navose vakadarowo. Zvino vakasvika panzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndichindonyengetera.” Akatora Petirosi naJakobho naJohani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokudumbirwa. Akati kwavari, “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa; garai pano murinde.” Akapfuura mberi zvishoma, akawira pasi akanyengetera kuti, kana zvichibvira, nguva ipfuure kwaari. Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.”
Mako 14:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi. Jesu akazoti kwavari, “Mucharasiswa mose nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi, hwai dzigopararira.’ Asi mushure mokunge ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akati kwaari, “Kunyange vamwe vose vangarasiswe zvavo asi ini kwete.” Jesu ndokuti kwaari, “Zviro kwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi, iwe uchandiramba katatu jongwe risati rarira kaviri.” Asi iye akabva atosimbisisa kwazvo achiti, “Kana zvazvo ndikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Vamwe vose vakadarowo. Vakaenda panzvimbo inonzi Getsemani. Jesu akati kuvadzidzi vake, “Garai pano, ini ndimbonamata.” Akatora Pita, naJemusi naJohani. Akatanga kubatwa nokutya kukuru nokusuruvara. Akati kwavari, “Ini ndadumbirwa zvokunge ndichafa zvangu. Sarai pano murindire.” Akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi akanamata kuti kana zvichigoneka zvaizoitika nguva iyi zvimupfuure zvake. Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
Mako 14:22-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri. Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handicazonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaMŋari. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa, ʋakaenda kugomo reMiorivi. Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai acaparadzwa. Asi kana ndamutswa, ndicakutuŋgamirirai Garirea. Ɀino Petro akati kwaari: Kunyaŋge ʋose ʋakagumburwa, ini kwete. Jesu akati kwaari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, kuti nhasi, ʋusiku bguno, joŋgwe risati rarira kaʋiri, ucandiramba katatu. Asi iye wakareʋa nokusimbisa, aciti: Kunyaŋge ndikafanira kufa nemi, handiŋgatoŋgokurambiyi ini. Naʋose ʋakaɗaro ʋo. Ɀino ʋakaȿika panɀimbo inonzi Getsemani, akati kuʋadzidzi ʋake: Garai pano, ini ndicindonyeŋgetera. Akatora Petro naJakobo naJohane, akataŋga kuvunduka kwaɀo nokuɗumbirwa. Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano murinde. Akapfuʋura mberi ɀishoma, akawira pasi, akayeŋgetera kuti, kana ɀicibvira, ŋguʋa ipfuʋure kwaari. Akati: Aba, Ƃaɓa, ɀose ɀinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuɗa kwaŋgu ŋgakurege kuitwa, asi kuɗa kwenyu.
Mako 14:22-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)