Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 14:1-26

Mariko 14:1-26 SCLB

Zvino kwanga kwangosara mazuva maviri kuti Pasika namazuva makuru eZvingwa Zvisina Mbiriso zvisvike. Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakanga vachitsvaka nzira yokumusunga nayo zvisina tsarukano kuti vagomuuraya. Vaiti, “Kwete pamazuva makuru, nokuti pangadaro pakaita bongozozo ravanhu.” Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu. Pakava navamwe vakanyunyuta nazvo vachiti, “Mafuta aya atambisirweiko kudai? Mafuta aya angadai atengeswa madhenari anodarika mazana matatu, mari yacho ichipiwa varombo.” Vakapopotera mukadzi. Asi Jesu akati, “Siyanai naye; munomunetserei? Inga aita chinhu chakanakisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani. Pamunenge madira zvenyu munogona kuvaitira zvakanaka asi ini hamuneni nguva dzose. Aita zvaagona; afanozora muviri wangu mafuta kuitira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kwose kuchaparidzwa shoko iri rakanaka pasi pose, zvaaita zvichataurwawo sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino Judhasi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri akaenda kuvapristi vakuru kuti amutengese kwavari. Pavakazvinzwa vakafara vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka nguva yakanaka yokumutengesa nayo. Pazuva rokutanga reChingwa Chisina Mbiriso, musi wavaibaya hwayana yePasika, vadzidzi vake vakati kwaari, “Ndokupi kwamunoda kuti tiende kundokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Akatuma vadzidzi vake vaviri, achiti kwavari, “Endai muguta. Muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei. Maanenge apinda imomo bvunzai muridzi wemba kuti zvanzi nomudzidzisi, ‘Ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ ” Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa yakagadzirwa. Tigadzirirei imomo. Vadzidzi vaya vakaenda. Vakasvika muguta vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Ava manheru akauya navane gumi navaviri. Pavakanga vagere pakudya Jesu akati, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri mumwe wenyu ari kudya neni, achanditengesa.” Vakatanga kusuruvara. Mumwe nomumwe akati kwaari, “Ndini here?” Iye ndokuti kwavari, “Ndomumwe wavane gumi navaviri wandiri kuseva naye mundiro.” Nokuti, zvechokwadi, Mwanakomana womunhu anoenda sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi zvichamuwana munhu uyo anotengesa Mwanakomana womunhu, zvaitova nani dai munhu iyeyo asina kuzvarwa zvake. Zvino zvavakanga vari pakudya, akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Gamuchirai; uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose. Akazoti kwavari, “Iri iropa rangu rechitenderano, rinodeurirwa vazhinji. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, handichazonwizve waini yomugirepisi kusvikira zuva randichanwa yava waini itsva muumambo hwaMwari.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda voenda kugomo reMiorivhi.

Verenga chikamu Mariko 14

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMariko 14:1-26