“Asi mumazuva iwayo, mushure menhamo iyoyo zuva richaora, mwedzi ucharega kuvhenekera, uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga, uye masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba guru nembiri. Zvino iye achazotuma vatumwa vake kundokokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika yose kusvika kwakaperera denga. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvoitika, zivai kuti iye ava pedyo, atova pamusuo chaipo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri zvinhu izvi zvose zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera zvazvo asi mazwi angu haachapfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vari kudenga, kanawo Mwanakomana, asi Baba voga. Chenjerai mugaririre, nokuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika rini. Izvi zvakafanana nomunhu ari parwendo, anoti kana obva pamba, anosiya aturira imba yake mumaoko avaranda vake mumwe nomumwe aine basa rake. Anoudza mutariri wapasuo guru kugaririra. Naizvozvo rindirai nokuti hamuzivi kuti saimba anouya rini, kumanheru here, pakati pousiku kana kuti nguva yomurirakamwe kana kuti mangwanani. Angadaro akayerekana asvika okuwanai makakotsira. Zvandiri kukutaurirai ndiri kutaurira vose, rindirai.”
Verenga chikamu Mariko 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 13:24-37
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo