Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 13:24-37

Mako 13:24-37 SNA2002

“Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya mumakore nesimba guru nokubwinya. “Ipapo achatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwedenga. “Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvo imiwo, kana moona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti ava pedyo atosvika pamusuo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba. Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. Zvakaita somunhu akaenda kune imwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira murindi womusuo kuti arindire. Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani; kuti arege kuuya kamwe-kamwe, akakuwanai muvete. Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti, ‘Rindai!’ ”

Verenga chikamu Mako 13