Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 12:18-37

Mariko 12:18-37 SCLB

Kwakazouyawo vaSadhusei kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka muvafi hakuna, vakamubvunza vachiti; “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa achisiya mukadzi asina mwana waasiya, munun'una wake ngaagare nhaka mukadzi wake kuti amutsire mukoma wake vana. Kwaiva navakomana vanomwe, mukomanomunun'una. Dangwe ravo rakaroora mukadzi. Parakafa harina kusiya mwana. Wechipiri akatorana naye ndokufawo asina kusiya mwana kunze. Wechitatu akadarowo. Vari vanomwe kudaro havana kusiya mwana kunze. Pakupedzisira mukadzi uya akafawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa (kana vomuka) mudzimai achazova woupi nokuti vose vari vanomwe akambova mukadzi wavo?” Jesu akati kwavari, “Hazvisizvo here zvinoita kuti murasike zvokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari? Nokuti pakumuka kwavanhu kuvafi havacharoori kana kuroorwa asi kuti vachagara savatumwa vari kudenga. Kana zviri zvokumutswa kwavakafa, hamuna kuverenga here muGwaro raMosesi paya pezvegwenzi riya, zvokuti Mwari akamutaurira achiti, ‘Ini ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu. Munokanganisa chaizvo.” Zvino mumwe wenyanzvi dzoMutemo akasvika akavanzwa vachiitirana naye nharo. Zvaakaona kuti Jesu avapindura nomazvo akamubvunza achiti, “Ko mutemo wechiposhi–poshi pane mitemo yose ndoupi?” Jesu akapindura achiti, “Mutemo wechiposhi–poshi ndouyu unoti; “ ‘Chinzwa Isiraeri, Tenzi Mwari wedu ndiye Tenzi mumwe chete oga. Uye ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nepfungwa dzako dzose, nesimba rako rose.’ “Wechipiri ndouyu, “ ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Hakuna mutemo mukuru pana iyoyi.” Zvino nyanzvi yoMutemo iya yakamuti, “Ndizvozvo chaizvo, Mudzidzisi, mataura sezvazviri kuti kuna Mwari mumwe chete, kunze kwake hakuna mumwezve. Kwouya kuti kumuda nomwoyo wose, nepfungwa dzose, nesimba rose, nokuda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, zvinokunda zvibayiro zvose zvechinhu chinopiswa chose zvacho nemipiro.” Jesu paakanzwa kuti apindura noungwaru akamuti, “Hausiri kure noumambo hwaMwari.” Kubva ipapo hapana naakazoshinga kumubvunza kana mumwe mubvunzo zvawo. Jesu zvaakanga achidzidzisa muTemberi akati, “Seiko nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?’ Iye Dhavhidhi pachake, afemerwa naMweya Mutsvene, akati, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, gara kurudyi rwangu kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ “Dhavhidhi pachake anomuti, ‘Tenzi,’ ko zvino angagova mwana wake sei?” Voruzhinji vaifarira kumuteerera.

Verenga chikamu Mariko 12