Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 12:18-37

Mako 12:18-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womurume akafa uye akasiya mukadzi asina vana, mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi iyi kuti amutsire mukoma wake vana. Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana. Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu. Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?” Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari? Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga. Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho’? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!” Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?” Jesu akapindura akati, “Unonyanya kukosha, ndouyu: ‘Inzwa, iwe Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete. Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.” Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake. Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.” Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo. Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” ’ Dhavhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 12

Mako 12:18-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vaSadhusi vakauya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana. Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu akadarowo. “Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafawo. Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, achava mukadzi waaniko? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.” Jesu akati kwavari, “Hamuti makarasika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari? “Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga. Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamuna kurava here mubhuku raMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari akataura naye, akati, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; marasika kwazvo.” Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murayiro wokutanga pana yose ndoupiko?” Jesu akapindura, akati, “Wokutanga ndiwoyu, ‘Inzwai vaIsiraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwechete! Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’ Wechipiri ndiwoyu, ‘Ida wokwako sezvaunozvida pachako.’ Hakuna murayiro mukuru kuna iyoyi.” Zvino munyori akati kwaari, “Zvakanaka Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwechete, hakuna mumwe kunze kwake; nokumuda iye nomwoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nokuda wokwake sezvaanozvida pachake, zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.” Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu. Zvino Jesu akati achidzidzisa mutemberi, akapindura, akati, “Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi amene akati noMweya Mutsvene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ “Dhavhidhi amene anoti, ‘Ishe,’ angagova mwanakomana wake seiko?” Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 12

Mako 12:18-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kwakazouyawo vaSadhusei kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka muvafi hakuna, vakamubvunza vachiti; “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa achisiya mukadzi asina mwana waasiya, munun'una wake ngaagare nhaka mukadzi wake kuti amutsire mukoma wake vana. Kwaiva navakomana vanomwe, mukomanomunun'una. Dangwe ravo rakaroora mukadzi. Parakafa harina kusiya mwana. Wechipiri akatorana naye ndokufawo asina kusiya mwana kunze. Wechitatu akadarowo. Vari vanomwe kudaro havana kusiya mwana kunze. Pakupedzisira mukadzi uya akafawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa (kana vomuka) mudzimai achazova woupi nokuti vose vari vanomwe akambova mukadzi wavo?” Jesu akati kwavari, “Hazvisizvo here zvinoita kuti murasike zvokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari? Nokuti pakumuka kwavanhu kuvafi havacharoori kana kuroorwa asi kuti vachagara savatumwa vari kudenga. Kana zviri zvokumutswa kwavakafa, hamuna kuverenga here muGwaro raMosesi paya pezvegwenzi riya, zvokuti Mwari akamutaurira achiti, ‘Ini ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu. Munokanganisa chaizvo.” Zvino mumwe wenyanzvi dzoMutemo akasvika akavanzwa vachiitirana naye nharo. Zvaakaona kuti Jesu avapindura nomazvo akamubvunza achiti, “Ko mutemo wechiposhi–poshi pane mitemo yose ndoupi?” Jesu akapindura achiti, “Mutemo wechiposhi–poshi ndouyu unoti; “ ‘Chinzwa Isiraeri, Tenzi Mwari wedu ndiye Tenzi mumwe chete oga. Uye ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nepfungwa dzako dzose, nesimba rako rose.’ “Wechipiri ndouyu, “ ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Hakuna mutemo mukuru pana iyoyi.” Zvino nyanzvi yoMutemo iya yakamuti, “Ndizvozvo chaizvo, Mudzidzisi, mataura sezvazviri kuti kuna Mwari mumwe chete, kunze kwake hakuna mumwezve. Kwouya kuti kumuda nomwoyo wose, nepfungwa dzose, nesimba rose, nokuda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, zvinokunda zvibayiro zvose zvechinhu chinopiswa chose zvacho nemipiro.” Jesu paakanzwa kuti apindura noungwaru akamuti, “Hausiri kure noumambo hwaMwari.” Kubva ipapo hapana naakazoshinga kumubvunza kana mumwe mubvunzo zvawo. Jesu zvaakanga achidzidzisa muTemberi akati, “Seiko nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?’ Iye Dhavhidhi pachake, afemerwa naMweya Mutsvene, akati, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, gara kurudyi rwangu kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ “Dhavhidhi pachake anomuti, ‘Tenzi,’ ko zvino angagova mwana wake sei?” Voruzhinji vaifarira kumuteerera.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 12

Mako 12:18-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋaSaduse ʋakaʋuya kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomŋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana. Ɀino kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana. Wecipiri akamutora, akafa asiŋgasiyi ʋana; nowecitatu akaɗaro ʋo. Naʋanomŋe ʋose haʋana‐kuʋa nomŋana; shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka kwaʋakafa, kana ʋacimuka, ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe. Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kurashika here, nemhaka yokusaziʋa magwaro nesimba raMŋari? Nokuti kana ʋacimuka kuʋakafa, haʋawani kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga. Kana kuri kumutswa kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here pabuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mŋari wakataura naye, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; marashika kwaɀo. Ɀino mumŋe waʋanyori wakaŋga anzwa kutaurirana kwaʋo, aciziʋa kuti wakaŋga aʋapindura ɀakanaka, wakaʋuya, akamubvunza, aciti: Murairo wokutaŋga payose ndoupiko? Jesu akapindura, akati: Wokutaŋga ndiwoyu: Inzwai ʋaIsraeri, Ishe Mŋari weɗu, ndiye Ishe mumŋe cete! Iɗa Ishe Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose, nesimba rako rose. Wecipiri ndiwoyu: Iɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo. Ɀino munyori akati kwaari: Ɀakanaka Mudzidzisi, mareʋa ɀirokwaɀo, kuti ndiye mumŋe cete, hakunomumŋe kunze kwake; nokumuɗa iye nomŋoyo wose, nokufuŋga kwose, nesimba rose, nokuɗa wokwake seɀaanoɀiɗa iye, ɀinopfuʋura ɀikuru ɀipiriso ɀose ɀinopiswa cose, neɀiɓayiro. Ɀino Jesu wakati aciʋona kuti wapindura nokufuŋga, akati kwaari: Hauzi kure noʋushe bgaMŋari. Kukasaʋa nomunhu wakazotsuŋga kumubvunza cinhu. Ɀino Jesu wakati acidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Ʋanyori ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye mŋanakomana waDavidi? Davidi amene wakati noMŋeya Mutȿene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako. Davidi amene unomuidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Ʋazhinji‐zhinji ʋakaŋga ʋacifara kumunzwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 12

Mako 12:18-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)