Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 12:1-17

Mariko 12:1-17 SCLB

Zvino akatanga kutaura kwavari nemienzaniso achiti, “Mumwe munhu akasima munda wake wamagirepisi, ndokuukomberedza noruzhowa. Akacherawo gomba rokusvinira waini, nokuvaka nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika. Panguva yomuchero akatuma muranda wake kuvarimi vaya kundopiwa chikamu chomuchero womunda wamagirepisi. Ivo vakamubata ndokumurova vakamudzosa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda kwavari. Iyeyu vakamutema mbonje vakamunyadzisa. Akazotumazve mumwe muranda; uyu vakamuuraya. Akatumazve vamwe vazhinji, vamwe vacho vaivarova, vamwe vachivauraya. Asi akanga achino mumwechete, mwanakomana wake wapamwoyo. Pokupedzisira akamutuma kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ ” Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, “Uyu ndiyeka mugari wenhaka uyu, uyai timuuraye, nhaka igova yedu.” Vakamubata, vakamuuraya, ndokumukanda kunze kwomunda wamagirepisi. Ko zvino muridzi womunda wamagirepisi achaitei? Achauya agoparadza vokushandisa munda vaya ava nokupa munda uyu wamagirepisi kuna vamwe. Hamuna kumboverenga here Rugwaro Dzvene paya panoti, “Dombo rakarambwa navavaki iroro ndiro rakazova dombo rakakoshesesa rapakona yemba? Izvi zvakaitwa naTenzi, uye zvinotishamisa kwazvo kuzviona?” Vakazviona kuti ataura muenzaniso uyu akananga ivo; nezvo vakaedza kuti vamusunge asi vakatya vanhu. Naizvozvo vakamusiya voenda. Vakazotuma kwaari vamwe vavaFarisei navamwe vebato rokwaHerodhi kuti vamubate mukutaura kwake. Vakasvikoti kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi, uye kuti hamunei nezvokuti uyu ndiani zvakare hamunei nezvokuti akamira sei, asi munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi. Ko, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza, kana kuti kwete? Totera here kana kuti torega kutera?” Asi iye akaziva unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ko munondiedzereiko? Ndiunzirei dhenari kuti ndirione.” Ivo ndokuriunza. Iye akavabvunza achiti, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Ivo vakati kwaari, “NdezvaSiza.” Jesu akavati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, zvaMwari kuna Mwari.” Vakashamiswa naye zvikuru.

Verenga chikamu Mariko 12