Zvino akatanga kutaura navo nemifananidzo, achiti, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa, akaukomba norusvingo, akachera guvi rokusvinira, akavaka chirindo, chirefu akaurongera varimi, ndokufamba rwendo.
“Nenguva yemichero akatuma muranda kuvarimi, kuti apiwe navarimi michero yomunda wemidzambiringa.
“Vakamubata, vakamurova, vakamudzosa asina. Akatumazve mumwe muranda kwavari; vakamutaka namabwe, vakamutema musoro, vakamunyadza. Akatumazve mumwe, vakamuuraya; navamwe vazhinji, vakarova vamwe, nokuuraya vamwe.
“Zvino akanga achine mwanakomana mumwe, mudikanwi; akamutuma kwavari pakupedzisira, achiti, ‘Vachakudza mwanakomana wangu.’ Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, nhaka igova yedu.’ Vakamubata, vakamuuraya, vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa. Zvino muridzi womunda wemidzambiringa achaiteiko? Achauya, akaparadza varimi ivavo, akarongera vamwe varimi munda wemidzambiringa. Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu, runoti,
‘Ibwe rakaraswa navavaki,
Ndiro rakazova musoro wekona;
Izvozvo zvakaitwa naIshe,
Zvinoshamisa pameso edu?’ ”
Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya vanhu vazhinji; nokuti vakanga vachiziva kuti akavareva ivo nomufananidzo iwoyo; vakamusiya, vakabvapo.
Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navaHerodhi, kuti vamubate pakutaura kwake. Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?
“Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhenari kwandiri, ndirione.”
Vakauya naro. Ipapo akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.”
Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakashamiswa zvikuru naye.