Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 11:20-25

Mariko 11:20-25 SCLB

Fume mangwana, vakapfuura napamuonde uya, vakaona wakaoma nemidzi yose. Pita akayeuka ndokuti, “Mudzidzisi tarisai! Muonde uya wamakarengerera rushambwa wakaoma.” Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari. Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu. Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ”

Verenga chikamu Mariko 11