Vakati vachipfuura napo mangwanani, vakaona muonde waoma kubva pamidzi. Petirosi akarangarira, akati kwaari, “Rabhi, tarirai muonde wamakatuka waoma.” Jesu akapindura, akati kwavari, “Ivai nokutendeka kuna Mwari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anoti kugomo iri, simudzwa, ukandwe mugungwa, asinganyunyuti mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaanoreva zvichaiitika, achava nazvo. Saka ndinoti kwamuri, zvinhu zvose zvose zvamunokumbira nokunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, mugova nazvo. Kana mukamira muchinyengetera, regererai kana mune mhaka nomumwe, kuti naBaba venyu vari kudenga, vazokuregereiwo imi kudarika kwenyu; [
Verenga chikamu Mako 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 11:20-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo