Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 11:1-10

Mariko 11:1-10 SCLB

Zvavakanga vava kusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage neBhetania pagomo reMiorivhi; akatuma vamwe vavadzidzi vake vaviri achivati, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Muchangopindamo muchawana gondora redhongi, rakasungirirwa, risina kumbotasvwa nomunhu. Risunungurei muuye naro. Kana munhu akakutii, ‘Muri kuzviitirei?’ Muudzei kuti Tenzi ari kurida; acharidzosa nokukurumidza.” Vakaenda, vakandowana gondora redhongi rakasungirirwa pamusuo nechapanze pedyo nomugwagwa, vakarisunungura. Vamwe vakanga vamirepo vakati kwavari, “Ko ndochii chamavakuita, kusunungura gondora iri redhongi?” Vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu, ndokubva vovarega vachienda zvavo. Zvino vakaenda negondora redhongi riya kuna Jesu vakawarira hanzu dzavo pamusoro paro akabva aritasva. Vazhinji vakawarira hanzu dzavo munzira, vamwe vakawarira mapazu anamashizha avakatemha muminda. Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti; “Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi. Ngahurumbidzwe umambo hwababa vedu Dhavhidhi. Huri kuuya. Hosana kumusorosoro.”

Verenga chikamu Mariko 11