Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 11:1-10

Mako 11:1-10 SNA2002

Vakati vachiswedera Jerusaremu, paBhetifage neBhetania, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake, akati kwavari, “Endai kumusha wakatarisana nemi; pakarepo kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasva nomunhu; muisunungure, mugouya nayo. Kana munhu akati kwamuri, munoitireiko kudaro? Muti, Ishe anoida. Pakarepo achaidzora pano.” Vakaenda, vakandowana mhuru yembongoro yakasungirwa kunze pamusuo, pamharadzano dzenzira, vakaisunungura. Vamwe vakanga vamirepo, vakati kwavari, “Munoiteiko zvamunosunungura mhuru yembongoro?” Vakavaudza sezvavakarairwa naJesu; vakavarega. Zvino vakauya nemhuru yembongoro kuna Jesu, vakawarira nguo dzavo pamusoro payo; iye ndokuitasva. Vazhinji vakawarira nguo dzavo panzira, navamwe mashizha avakanga vatema mubundo. Avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera vakadanidzira, vachiti, “Hosana, ngaakudzwe iye anouya muzita raIshe. Ngahukudzwe ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hunouya! Hosana kumusoro-soro!”

Verenga chikamu Mako 11