Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita. Zvino vaFarisei vakazouya kwaari vakamubvunza, kuri kumuedza zvavo vachiti, “Murume anobvumirwa here kuramba mukadzi wake?” Jesu akavapindura achiti, “Ko Mosesi akakutemerai zvipi?” Ivo vakati, “Mosesi akatibvumira kuti murume anyorere mukadzi tsamba yegupuro obva amudzinga.” Asi Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai mutemo wakadai pamusana poukukutu hwemwoyo yenyu. Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi. Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake. Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Kuzoti vava kumba vadzidzi vakamubvunza zvakare nezvenyaya iyi. Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe, anoita upombwe uye achimutadzira. Mukadziwo akaramba murume wake achitorana nomumwe murume anoita upombwe.” Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari.
Verenga chikamu Mariko 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 10:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo