Mako 10:1-16
Mako 10:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa. Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?” Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?” Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.” Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu. Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’ Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake, uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe. Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi. Akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye. Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.” Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura. Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.” Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.
Mako 10:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJorodhani, vanhu vazhinji-zhinji vakaunganirazve kwaari; akavadzidzisazve sezvaakanga achisiita. VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza, vachimuedza, vachiti, “Murume akatenderwa kuramba mukadzi wake here?” Akapindura, akati kwavari, “Mosesi akakuraireiko?” Vakati, “Mosesi akatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, agorambwa.” Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai murayiro iwoyo nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi kubva pakutanga kwokusikwa akavaita, ‘Munhurume nomunhukadzi.’ ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri; asi nyama imwe.’ Zvino izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Zvino mumba vadzidzi vakamubvunzazve pamusoro paizvozvo. Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe kwaari. Uye kana iye mukadzi akaramba murume wake, akawanikwa nomumwe, anoita upombwe.” Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira. Zvino Jesu akati achizviona, akatsamwa, akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.” Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo.
Mako 10:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita. Zvino vaFarisei vakazouya kwaari vakamubvunza, kuri kumuedza zvavo vachiti, “Murume anobvumirwa here kuramba mukadzi wake?” Jesu akavapindura achiti, “Ko Mosesi akakutemerai zvipi?” Ivo vakati, “Mosesi akatibvumira kuti murume anyorere mukadzi tsamba yegupuro obva amudzinga.” Asi Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai mutemo wakadai pamusana poukukutu hwemwoyo yenyu. Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi. Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake. Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Kuzoti vava kumba vadzidzi vakamubvunza zvakare nezvenyaya iyi. Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe, anoita upombwe uye achimutadzira. Mukadziwo akaramba murume wake achitorana nomumwe murume anoita upombwe.” Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari.
Mako 10:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakasimuka’po, akaȿika munyika yeJudea, nemhiri kwaJoridani, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋganira ɀe kwaari; akaʋadzidzisa ɀe seɀaakaŋga acisiita. ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza, ʋacimuidza, ʋaciti: Murume wakatenderwa kurasha mukadzi wake here? Akapindura, akati kwaʋari: Mosesi wakakuraireiko? Ʋakati: Mosesi wakatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, nokumurasha. Jesu akati kwaʋari: Wakakunyorerai murairo iwoyo nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu. Asi kubva pakutaŋga kwokusikwa wakaʋaita murume nomukadzi. Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe; nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa. Ɀino mumba ʋadzidzi ʋakamubvunza ɀe pamsoro paiɀoɀo. Akati kwaʋari: Aninani unorasha mukadzi wake, akawana mumŋe, unoita ʋupombge kwaari. Ʋuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumŋe, unofeʋa. Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakaʋaraira. Ɀino Jesu wakati aciɀiʋona, akatsamŋa, akati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri. Ipapo akaʋafuŋgatira mumaʋoko, akaʋaropafadza, ndokuisa maʋoko pamsoro paʋo.
Mako 10:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)