Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 10:1-12

Mariko 10:1-12 SCLB

Zvino Jesu akabvapo ndokuenda kudunhu reJudhea nokumhiri kwaJorodhani. Mapoka avanhu akamuunganira zvakare akavadzidzisazve sezvaaigaroita. Zvino vaFarisei vakazouya kwaari vakamubvunza, kuri kumuedza zvavo vachiti, “Murume anobvumirwa here kuramba mukadzi wake?” Jesu akavapindura achiti, “Ko Mosesi akakutemerai zvipi?” Ivo vakati, “Mosesi akatibvumira kuti murume anyorere mukadzi tsamba yegupuro obva amudzinga.” Asi Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai mutemo wakadai pamusana poukukutu hwemwoyo yenyu. Asi kubva pakutanga kwokusikwa kwezvinhu, Mwari wakavasika vari munhurume nomunhukadzi. Nechikonzero ichochi murume anosiya baba naamai vake, achibva abatanidzwa nomukadzi wake. Vaviri ava vachiva muviri mumwechete. Naizvozvo havachisiri vaviri asi vava nyama imwechete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari ngachirege kuparadzaniswa nomunhu.” Kuzoti vava kumba vadzidzi vakamubvunza zvakare nezvenyaya iyi. Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake achiroora mumwe, anoita upombwe uye achimutadzira. Mukadziwo akaramba murume wake achitorana nomumwe murume anoita upombwe.”

Verenga chikamu Mariko 10