Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 10:1-12

Mako 10:1-12 SNA2002

Zvino akasimukapo, akasvika munyika yeJudhea, nemhiri kwaJorodhani, vanhu vazhinji-zhinji vakaunganirazve kwaari; akavadzidzisazve sezvaakanga achisiita. VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza, vachimuedza, vachiti, “Murume akatenderwa kuramba mukadzi wake here?” Akapindura, akati kwavari, “Mosesi akakuraireiko?” Vakati, “Mosesi akatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, agorambwa.” Jesu akati kwavari, “Akakunyorerai murayiro iwoyo nokuda kwoukukutu hwemwoyo yenyu. Asi kubva pakutanga kwokusikwa akavaita, ‘Munhurume nomunhukadzi.’ ‘Nokuda kwaizvozvo murume achasiya baba vake namai vake, akanamatira mukadzi wake; ava vaviri vachava nyama imwe; nokudaro havachiri vaviri; asi nyama imwe.’ Zvino izvo Mwari zvaakasanganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Zvino mumba vadzidzi vakamubvunzazve pamusoro paizvozvo. Akati kwavari, “Ani naani anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe kwaari. Uye kana iye mukadzi akaramba murume wake, akawanikwa nomumwe, anoita upombwe.”

Verenga chikamu Mako 10