Uku ndiko kutanga kweShoko Rakanaka raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari, sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi,
“Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako,
ichagadzirira nzira yako.
Izwi reanodaidzira ari murenje, achiti,
‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi,
ruramisai nzira dzake.’ ”
Kurenje kwakazova naJohani aiombeka, achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo. Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusaremu vakakotonokera kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo.
Johani aipfeka nguwo yemvere dzengamera, aine bhande reganda muchiuno chake. Aidya hwiza nouchi hwomusango. Aiparidza achiti, “Mushure mangu muri kuuya ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kukotama ndichisunungura rukanda rweshangu dzake. Ini ndakuombekai nemvura asi iye achakuombekai naMweya Mutsvene.”
Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani. Achangoti budei mumvura, akaona matenga achizaruka naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva. Izwi rakabva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, anondifadza zvikuru.” Pakarepo Mweya akamuendesa kurenje. Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira.
Kuzoti Johani asungwa, Jesu akaenda Garirea kundoparidza Shoko Rakanaka raMwari achiti, “Nguva iya yazokwana zvino, umambo hwaMwari hwava pedyo. Chipindukai mutendhe Shoko Rakanaka.”
Jesu akati achipfuura napagungwa reGarirea akaona Simoni naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi mugungwa nokuti vaiva vabvuvi vehove. Jesu akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai kuti muve vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Kuzoti angoti fambe–fambei zvishoma, akaona Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa ravo vachigadzira usvasvi. Pakarepo Jesu akavadaidza; ivo vakasiya baba vavo Zebhedhi navashandi vari mugwa, vakatevera Jesu.
Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea.