Mika 5
5
1Ronganisa hondo dzako
iwe guta rehondo dzavarwi
nokuti watokombwa iwe.
Vacharova mutongi weIsiraeri
neshamhu padama.#5:1 MuchiHebheru indima 4:14.
Mwari anoti mutongi achabva kuBheterehemu
2“Iwe Bheterehemu wokwaEfurata,
kunyange uri muduku zvako,
mukati memadzinza okwaJudha,
mauri iwe muchabuda mutongi wangu,
achatonga Isiraeri,
dzinde rokwaakabva nderakare kare
rapasichigare chaipo.”#5:2 MuchiHebheru ndipo pane 5:1.
3Naizvozvo achambovaregera vakadaro
kwechinguva kusvikira
ane pamuviri pari kurwadza asununguka.
Ipapo dzimwe hama dzake dzose#5:3 Dzimwe hama dzake dzose: Vari kurehwa apa vanhu vari kuutapwa.
ndopadzichadzokera
kuvanhu veIsiraeri.
4Mwana iyeyo ndiye achatozomira chaizvo
achifudza danga rake rezvipfuwo
aine simba raTenzi,
aine chiremera chezita raTenzi Mwari wake
uye vachanyatsogara zvakanaka
nokuti ukuru hwake
huchasvika kwakaperera nyika.
5Iyeyu ndiye achatozovawanisa rugare.
Kununura nokuranga vasingateereri
Patichapindirwa neAsiria munyika medu
ichitsokodzera zvayo
munzvimbo dzedu,
tichaimutsira vokutifudza vanomwe
vokuonana nayo,
makurukota chaiwo avanhu,
kana kutoita masere chaiwo.
6Ivava ndivo vachatozotonga
nyika yeAsiria
nehondo yamapakatwa,
vachatonga nyika iyoyi yeNimurodhi#5:6 MuchiHebheru munoti, “Kwainopindwa napo.”
vakaiburitsira bakatwa.
Ivava ndivo vachatinunura kuAsiria
patinenge tapindirwa munyika medu neAsiria paya
ichitsokodzera munyika medu.
7Chitsama chevokwaJakobho chinenge chazosara
chichazova mukati mendudzi nendudzi dzavanhu,
chichiva sedova
rinobva kuna Tenzi
uye sehore dzemvura pauswa
zvisingambomirira zvazvo kana vanhu.
8Chitsama chevokwaIsiraeri
chinenge chazosara chichava
mukati memarudzi
nomukati mendudzi nendudzi dzavanhu,
seshumba mukati memhuka dzesango
seshumba ichiri duku
mumatanga ehwai
inoti kana ikapinda nomo
inotsokodzera ichibvambura-bvambura
pasina anogona kununura.
9Uchasumudzira shamhu,
vanokuvenga,
vavengi vako vose vachaurayiwa.
10“Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi,
pakati penyu ndichauraya mabhiza enyu
ndichiparadza ngoro dzenyu dzehondo.
11Ndichaparadzawo maguta omunyika menyu
ndichipaza nzvimbo dzenyu dzose
dzokuzvidzivirira ndadzo muhondo.
12Ndichaparadzazve uroyi
hwamuchashandisa namaoko enyu
ndigosiya usisina
vanofembera namaminimini.
13Uye ndichaparadza mukati menyu
zvifananidzo zvenyu
zvamabwe zvokunamata,
hauchazokotamirazve kunamata
zvinhu zvamakagadzira
imi namaoko enyu.
14Ndichadzipura mukati menyu
zvifananidzo zvokunamata
zvinomiririra Ashera
nokuparadza maguta ako.
15Ndichatsiva ndakashatirwa nehasha
marudzi ose asingateereri.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mika 5: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.