Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 9:1-17

Mateu 9:1-17 SCLB

Jesu paakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake. Havo vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga akatonhora mitezo akati rabada pabonde rake! Jesu paakaona chitendero chavo akati kune munhu uya akatonhora mitezo, “Tsunga mwoyo mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakati, nechomumwoyo, “Munhu uyu ari kushonha Mwari.” Zvino Jesu zvaaiziva zvavaifunga akati; “Munofungirei zvakaipa mumwoyo yenyu. Ko chakareruka ndechipi kuti, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvitadzo” akati kune munhu uya akanga akatonhora mitezo, “Simuka utore bonde rako uende kumusha.” Akasimukawo akaenda kumusha. Gungano riya parakazviona rakatya rikarumbidza Mwari akanga apa simba rakadaro kuvanhu. Jesu paakabva ipapo avakuenda, akaona mumwe murume anonzi Mateu agere pahofisi yomutero. Akati kwaari, “Nditevere.” Iye akabva asimuka omutevera. Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake. VaFarisei pavakazviona vakati kuna vadzidzi vake, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Paakazvinzwa akati; “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. Endai munodzidza izvi kuti zvinorevei zvokuti, ‘Ndinoda tsitsi kwete chibayiro’ nokuti handina kuuya kuzodaidza vakarurama asi vatadzi.” Vadzidzi vaJohani vakauya kwaari vachiti, “Ko isu navaFarisei tinotsanya sei asi vadzidzi venyu havatsanyi?” Jesu akati kwavari, “Vanhu vanenge vakokwa kumuchato vangasuwa here muwani vachinaye? Mazuva achauya pachabviswa muwani pavari. Ndipo pavachatsanya. Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka. Uye waini itsva haiiswi muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Zvikaitwa saizvozvo, zvigubhu zvinoputika waini ichirasika zvoparara. Aiwa itsva inofanira kuiswa muzvigubhu zvitsva. Saizvozvo zvose zvinobva zvachengeteka.”

Verenga chikamu Mateu 9