Mateo 9:1-17
Mateo 9:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake. Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.” Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!” Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu? Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.” Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake. Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu. Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera. Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake. VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara. Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.” Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.” Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya. “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya. Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
Mateo 9:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake. Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.” Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.” Asi Jesu achiziva mifungo yavo, akati, “Munofungireiko zvakaipa mumwoyo yenyu? Nokuti chinyiko chakareruka, kuti, ‘Wakaregererwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!” Akasimuka, akaenda kumba kwake. Vanhu vazhinji vakati vachizviona, vakatya, vakarumbidza Mwari, akapa vanhu simba rakadai. Jesu akati achibvapo, akaona munhu, ainzi Mateu, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” Ipapo akasimuka, akamutevera. Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake. Zvino vaFarisi vachizviona, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi wenyu anodyireiko navateresi navatadzi?” Iye, achizvinzwa, akati, “Vasingarwari havatsvaki n'anga, asi vanorwara. Asi endai, mudzidze kuti ndokudiniko kuti, ‘Ndinoda ngoni, handidi chibayiro;’ nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.” Zvino vadzidzi vaJohani vakauya kwaari, vakati, “Isu, navaFarisi, tinozvinyimireiko zvokudya kazhinji, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?” Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingachema seiko muwani dzichinaye? Asi mazuva achasvika, achabviswa muwani kwavari; nenguva iyo vachazvinyima zvokudya. “Hakuna munhu anoisa chiremo chitsva panguo yakasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguo, buri rikanyanya. Havadiriwo waini itsva muhombodo tsaru, nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikateuka, nehombodo dzikapararawo; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zviviri zvose zvichengeteke.”
Mateo 9:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake. Havo vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga akatonhora mitezo akati rabada pabonde rake! Jesu paakaona chitendero chavo akati kune munhu uya akatonhora mitezo, “Tsunga mwoyo mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.” Ipapo dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakati, nechomumwoyo, “Munhu uyu ari kushonha Mwari.” Zvino Jesu zvaaiziva zvavaifunga akati; “Munofungirei zvakaipa mumwoyo yenyu. Ko chakareruka ndechipi kuti, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka ufambe?’ Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvitadzo” akati kune munhu uya akanga akatonhora mitezo, “Simuka utore bonde rako uende kumusha.” Akasimukawo akaenda kumusha. Gungano riya parakazviona rakatya rikarumbidza Mwari akanga apa simba rakadaro kuvanhu. Jesu paakabva ipapo avakuenda, akaona mumwe murume anonzi Mateu agere pahofisi yomutero. Akati kwaari, “Nditevere.” Iye akabva asimuka omutevera. Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake. VaFarisei pavakazviona vakati kuna vadzidzi vake, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?” Paakazvinzwa akati; “Vakukutu havadi chiremba asi vanorwara. Endai munodzidza izvi kuti zvinorevei zvokuti, ‘Ndinoda tsitsi kwete chibayiro’ nokuti handina kuuya kuzodaidza vakarurama asi vatadzi.” Vadzidzi vaJohani vakauya kwaari vachiti, “Ko isu navaFarisei tinotsanya sei asi vadzidzi venyu havatsanyi?” Jesu akati kwavari, “Vanhu vanenge vakokwa kumuchato vangasuwa here muwani vachinaye? Mazuva achauya pachabviswa muwani pavari. Ndipo pavachatsanya. Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka. Uye waini itsva haiiswi muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Zvikaitwa saizvozvo, zvigubhu zvinoputika waini ichirasika zvoparara. Aiwa itsva inofanira kuiswa muzvigubhu zvitsva. Saizvozvo zvose zvinobva zvachengeteka.”
Mateo 9:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakapinda mugwa, akayambuka, ndokuȿika kuguta rake. Ɀino ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga akafa mitezo, aʋete panhoʋo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo: Mŋana, tsuŋga mŋoyo, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ɀino ʋamŋe ʋaʋanyori ʋakati mumŋoyo yaʋo: Munhu uyu unomhura Mŋari. Asi Jesu aciziʋa mifuŋgo yaʋo, akati: Munofuŋgireiko ɀakaipa mumŋoyo yenyu? Nokuti cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe? Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako! Akasimuka, akaenda kumba kwake. Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari, wakapa ʋanhu simba rakaɗai. Jesu wakati acibva’po, akaʋona munhu, wainzi Mateo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! Ipapo akasimuka, akamuteʋera. Ɀino wakati agere pakudya mumba, tarira, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakaʋuya ʋakagara pakudya naJesu naʋadzidzi ʋake. Ɀino ʋaFarise ʋaciɀiʋona, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi wenyu unodyireiko naʋateresi naʋatadzi? Iye, aciɀinzwa, akati: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara. Asi endai, mudzidze kuti ndokuɗiniko kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro; nokuti handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi. Ɀino ʋadzidzi ʋaJohane ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Isu, naʋaFarise, tinoɀinyimireiko ɀokudya kazhinji, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko? Jesu akati kwaʋari: Shamŋari dzecikomba dziŋgacema seiko cikomba ciciri naʋo? Asi mazuʋa acaȿika, acabviswa cikomba kwaʋari; neŋguʋa iyo ʋacaɀinyima ɀokudya. Hakunomunhu unoisa ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara; nokuti cakasonerwa cinobvarura ŋguʋo, ʋuri rikanyanya. Haʋaɗiri ʋo waini itȿa muhomboɗo tsaru, nokuti homboɗo dziŋgaparuka, waini ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo; asi ʋanoɗira waini itȿa muhomboɗo itȿa, ɀiʋiri ɀose ɀiceŋgeteke.
Mateo 9:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)