Wakapinda mugwa, akayambuka, ndokuȿika kuguta rake. Ɀino ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga akafa mitezo, aʋete panhoʋo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo: Mŋana, tsuŋga mŋoyo, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ɀino ʋamŋe ʋaʋanyori ʋakati mumŋoyo yaʋo: Munhu uyu unomhura Mŋari. Asi Jesu aciziʋa mifuŋgo yaʋo, akati: Munofuŋgireiko ɀakaipa mumŋoyo yenyu? Nokuti cinyiko cakareruka, kuti: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, ufambe? Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako! Akasimuka, akaenda kumba kwake. Ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari, wakapa ʋanhu simba rakaɗai.
Jesu wakati acibva’po, akaʋona munhu, wainzi Mateo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere! Ipapo akasimuka, akamuteʋera. Ɀino wakati agere pakudya mumba, tarira, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakaʋuya ʋakagara pakudya naJesu naʋadzidzi ʋake. Ɀino ʋaFarise ʋaciɀiʋona, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi wenyu unodyireiko naʋateresi naʋatadzi? Iye, aciɀinzwa, akati: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara. Asi endai, mudzidze kuti ndokuɗiniko kuti: Ndinoɗa ŋgoni, handiɗi ciɓayiro; nokuti handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi.
Ɀino ʋadzidzi ʋaJohane ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Isu, naʋaFarise, tinoɀinyimireiko ɀokudya kazhinji, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko? Jesu akati kwaʋari: Shamŋari dzecikomba dziŋgacema seiko cikomba ciciri naʋo? Asi mazuʋa acaȿika, acabviswa cikomba kwaʋari; neŋguʋa iyo ʋacaɀinyima ɀokudya. Hakunomunhu unoisa ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara; nokuti cakasonerwa cinobvarura ŋguʋo, ʋuri rikanyanya. Haʋaɗiri ʋo waini itȿa muhomboɗo tsaru, nokuti homboɗo dziŋgaparuka, waini ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo; asi ʋanoɗira waini itȿa muhomboɗo itȿa, ɀiʋiri ɀose ɀiceŋgeteke.