“Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi–chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. “Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.
Verenga chikamu Mateu 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 6:5-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo