Mateo 6:5-10
Mateo 6:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara. Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro. Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji. Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira. “Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe, umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
Mateo 6:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo. “Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kunaBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro. “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari. Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.
Mateo 6:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi–chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. “Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga.
Mateo 6:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana mucinyeŋgetera, musaʋa saʋanyeŋgeri, nokuti ʋanofarira kunyeŋgetera ʋamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti ʋaʋonekwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo. Asi iwe, kana ucinyeŋgetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukoʋa wako, unyeŋgetere kunaƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo. Pakunyeŋgetera kwenyu, musapamhidza ɀisinamaturo saʋahedeni; nokuti iʋo ʋanofuŋga kuti ʋacanzwika nokutaura kwaʋo kuzhinji. Naiɀoɀo musafanana naʋo; nokuti Ƃaɓa ʋenyu ʋanoziʋa ɀamunoshaiwa, musati makumbira kwaʋari. Ɀino imi nyeŋgeterai kuɗai: Ƃaɓa ʋeɗu ʋari kuɗeŋga, zita renyu ŋgarikudzwe noʋutȿene. Ʋushe bgenyu ŋgabguʋuye, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe panyika seɀakunoitwa kuɗeŋga.
Mateo 6:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)