Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 6:1-4

Mateu 6:1-4 SCLB

“Ngwarirai kuti murege kuita zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei mukuita kwenyu kwakarurama. Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro unobva kuna Baba venyu vari kudenga. “Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu; nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, vakatowana mubayiro wavo kare. Asi kana mopa zvipo, ruoko rwenyu rworuboshe ngarurege kuziva zviri kuitwa norudyi kuti kupa kwenyu zvipo kuve kwomuchivande, kuti Baba venyu vanoona muchivande vagokupai mubayiro.

Verenga chikamu Mateu 6