“Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubayiro kuna baba venyu vari kudenga. “Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo. Asi iwe, kana uchipa zvipo, ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva chinoitwa norudyi rwako, kuti kupa kwako kuve pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubayiro.
Verenga chikamu Mateu 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 6:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo