Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove. Akati kwavari, “Nditeverei. Ini ndichakuitai vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza. Pakarepo vakabva vasiya igwa nababa vavo vakamutevera. Jesu akafamba neGarirea yose achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo uye achirapa zvirwere zvose noundonda hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira neSiria yose. Vakaunza kwaari varwere vose vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana–siyana namamwewo marwadzo navakanga vakagarwa nemweya yakaipa, navaiva netsviyo navakanga vane mitezo yomuviri yavo yakafa akavarapa. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richibva kuGarirea nokuDhekaporisi nokuJerusaremu nokuJudhea uye nokumhiri kwaJorodhani.
Verenga chikamu Mateu 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 4:18-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo