Mateo 4:18-25
Mateo 4:18-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu paakanga achifamba pedyo negungwa reGarirea, akaona varume vaviri, Simoni ainzi Petro nomununʼuna wake Andirea. Vakanga vachikanda mambure avo mugungwa nokuti vaiva vabati vehove. Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera. Jesu akapota neGarirea rose achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa hosha dzose nourwere hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira muSiria yose, uye vanhu vakauya kwaari navose vairwara nezvirwere zvakasiyana-siyana, avo vaitambudzwa namarwadzo akanyanya, vakanga vakabatwa namadhimoni, vaiva nezvipusha, nevakanga vakafa mitezo, uye akavaporesa. Vanhu vazhinji kwazvo vaibva kuGarirea, Dhekapori, Jerusarema, Judhea nedunhu riri mhiri kweJorodhani vakamutevera.

Mateo 4:18-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera. Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana. Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera. Jesu akapota neGariria rose, akadzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Vhangeri youshe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu. Mukurumbira wake wakanzwika kunyika yose yeSiria; vakauya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vane mweya yakaipa, navakanga vane zvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa. Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Gariria, neDhekapori, neJerusaremu, neJudhea, nemhiri kwaJorodhani vakamutevera.
Mateo 4:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akati achifamba pamahombekombe egungwa reGarirea, akaona mukoma nomunun'una, vana Simoni anonzi Pita naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi hwavo mugungwa nokuti vakanga vari vabvuvi vehove. Akati kwavari, “Nditeverei. Ini ndichakuitai vabvuvi vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya usvasvi hwavo vakamutevera. Akaenda mberi akaona vamwe, mukoma nomunun'una, Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa navaZebhedhi, baba vavo vachigadzira usvasvi hwavo. Akavadaidza. Pakarepo vakabva vasiya igwa nababa vavo vakamutevera. Jesu akafamba neGarirea yose achidzidzisa mumasinagogu avo achiparidza Shoko Rakanaka roumambo uye achirapa zvirwere zvose noundonda hwose pakati pavanhu. Mukurumbira wake wakapararira neSiria yose. Vakaunza kwaari varwere vose vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana–siyana namamwewo marwadzo navakanga vakagarwa nemweya yakaipa, navaiva netsviyo navakanga vane mitezo yomuviri yavo yakafa akavarapa. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richibva kuGarirea nokuDhekaporisi nokuJerusaremu nokuJudhea uye nokumhiri kwaJorodhani.
Mateo 4:18-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati acifamba paguŋgwa reGarirea, akaʋona ʋarume ʋaʋiri, ʋana ʋomunhu mumŋe, Simoni unonzi Petro, naAndrea munuŋuna wake, ʋacikandira ʋutaʋa muguŋgwa, nokuti ʋakaŋga ʋari ʋaɓati ʋehoʋe. Akati kwaʋari: Nditeʋerei, ndigokuitai ʋaɓati ʋaʋanhu. Pakarepo ʋakasiya ʋutaʋa bgaʋo, ʋakamuteʋera. Ɀino wakati apfuʋura mberi, akaʋona ʋamŋe ʋarume ʋaʋiri mugwa, ʋana ʋomunhu mumŋe, Jakobo mŋanakomana waZebedi, naJohane munuŋuna wake, ʋanaZebedi, ɓaɓa ʋaʋo, ʋacigadzira ʋutaʋa bgaʋo; akaʋaɗana. Pakarepo ʋakasiya igwa naɓaɓa ʋaʋo, ʋakamuteʋera. Jesu akapota neGarirea rose, akadzidzisa mumasinagoge aʋo, aciparidza Evaŋgeri yoʋushe, aciporesa hosha dzose namarwere ose aʋanhu. Mukurumbira wake ukanzwika kunyika yose yeSiria; ʋakaʋuya kwaari naʋairwara ʋose, naʋakaɓatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzi, naʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa, naʋaneɀipusha, naʋakaŋga ʋakafa mitezo, akaʋaporesa. Ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaibva Garirea, neDekapori, neJerusarema, neJudea, nemhiri kwaJo ridani ʋakamuteʋera.
Mateo 4:18-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)