Akati achifamba pagungwa reGariria, akaona varume vaviri, vana vomunhu mumwe, Simoni anonzi Petirosi, naAndireya munun'una wake, vachikandira usvasvi mugungwa, nokuti vakanga vari vabati vehove. Akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera.
Zvino akati apfuura mberi, akaona vamwe varume vaviri muigwa, vana vomunhu mumwe, Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munun'una wake, vaina Zebhedhia, baba vavo, vachigadzira usvasvi hwavo, akavadana. Pakarepo vakasiya igwa nababa vavo, vakamutevera.
Jesu akapota neGariria rose, akadzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza Vhangeri youshe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu. Mukurumbira wake wakanzwika kunyika yose yeSiria; vakauya kwaari navairwara vose, navakabatwa nehosha dzamarudzi mazhinji namarwadzo, navakanga vane mweya yakaipa, navakanga vane zvipusha, navakanga vakafa mitezo, akavaporesa. Vanhu vazhinji-zhinji vaibva Gariria, neDhekapori, neJerusaremu, neJudhea, nemhiri kwaJorodhani vakamutevera.