Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 26:26-44

Mateu 26:26-44 SCLB

Zvavakanga vari pakudya, Jesu akatora chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kuvadzidzi vake achiti, “Torai mudye, uyu muviri wangu.” Akatorawo mukombe akatenda ndokuupa kwavari achiti, “Unwei mose nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva rinodeurirwa vazhinji kuti varegererwe zvitadzo. Ndinokutaurirai kuti handichazonwazve waini yomugirepisi kusvikira pazuva randinozonwa waini itsva nemi muumambo hwaBaba vangu.” Kuzoti vaimba rumbo vakabuda vakaenda kugomo roMuorivhi. Jesu akati kwavari, “Mucharasiswa mose pamusana pangu usiku huno nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi danga rehwai rigopararira.’ Asi kana ndamutswa ndichafanokutungamirirai kuGarirea.” Pita akamupindura achiti, “Vamwe vose vangarasiswe zvavo pamusana penyu asi ini handimborasika.” Jesu akati kwaari, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri ihwo usiku hwanhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akati kwaari, “Kunyange zvikanzi ndife nemi handimbokurambai.” Ndizvo zvakataurwawo navamwe vadzidzi vose. Jesu akaenda navo kune imwe nzvimbo inonzi Getsemani, akati kuvadzidzi vake, “Garai pano ini ndimboenda uko ndimbondonamata.” Akatora Pita navanakomana vaviri vokwaZebhedhi akabva atanga kudumbirwa nokutambura. Akazoti kwavari, “Ini ndadumbirwa zvikuru zvokunge ndichafa. Sarai pano murindire pamwechete neni.” Jesu akaenda mberi zvishoma ndokubva awira pasi nouso akanamata achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu wamatambudziko ngaundipfuure asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.” Akadzokera kuna vadzidzi akavawana vatokotsira. Jesu akati kuna Pita, “Saka matadzaka imi kurindira neni kweawa imwechete? Rindirai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa. Mweya unoda zvawo asi nyama yaneta.” Jesu asudurukazve akanamata achiti, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingakwanisi kundipesa ndichifanira kuunwa, kuda kwenyu ngakuitwe.” Akauyazve akavawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru. Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo.

Verenga chikamu Mateu 26