Jesu paakapedza kutaura zvose izvi akati kuna vadzidzi vake, “Munoziva kuti mumashure memazuva maviri, Pasika iri kusvika. Mwanakomana womunhu achaturirwa kuti arovererwe pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru navakuru vakuru vavanhu vakaungana mumuzinda womupristi mukuru ainzi Kaifasi. Vakaita bangano rokuti vasunge Jesu zvomuchivande vagomuuraya asi vakati kwete pamazuva makuru nokuti pangadaro pakaita bongozozo pakati pavanhu. Jesu paakanga ari kuBhetania ari mumba maSimoni wamaperembudzi. Kwakauya mumwe mukadzi nechinu chamafuta okuzora anokosha kwazvo chearabhasita. Akadururira mafuta acho mumusoro maJesu paakanga agere pakudya. Vadzidzi pavakazviona vakagumburwa nazvo vachiti, “Kurasa mari kudai!” Nokuti mafuta aya angadai atengeswa nemari yakawanda kwazvo ikapiwa kuvarombo. Jesu achizviziva, akati kwavari, “Ko munonetserei mukadzi uyu? Inga aita chinhu chakanakisisa wani kwandiri. Varombo munavo nguva dzose wani asi ini hamuneni nguva dzose. Nokudira kwaaita mafuta aya pamuviri wangu, aita izvi kundigadzirira kuvigwa kwangu. Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, kwose kuchaparidzwa shoko rakanaka iri, pasi pose, zvaaita zvichataurwa sechinhu chokumuyeuka nacho.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri ainzi Judhasi Isikarioti akaenda kuvapristi vakuru akati, “Muchandipa chii kana ndikamuturira kwamuri.” Vakamubhadhara makumi matatu emari yesirivha. Kubvira ipapo Judhasi akanga achitsvaka nguva yokuti amutengese nayo. Pazuva rokutanga rechingwa chisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vachiti, “Ndokupi kwamungade kuti tindokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Iye akati, “Endai muguta panhingi mundoti kwaari, Mudzidzisi ati, ‘Nguva yangu yasvika. Pamba pako ndipo pandichadyira Pasika navadzidzi vangu.’ ” Vadzidzi vakaita sokutaurirwa kwavakanga vaitwa naJesu. Vakagadzirira Pasika.
Verenga chikamu Mateu 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 26:1-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo