Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 24:29-51

Mateu 24:29-51 SCLB

“Nhamo yamazuva iwayo ichangobva mukupera, zuva richaora, mwedzi uchisvipa uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga. Masimba omumatenga achazungunutswa. Ndipo pachaonekwa mudenga chiratidzo choMwanakomana womunhu. Marudzi apasi pose achaungudza. Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore edenga aine simba nembiri huru. Iye achatuma vatumwa vake nehwamanda inorira kwazvo. Vachakokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika kusvikawo kwayakaperera rumwe rutivi. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvose, zivai kuti iye ava padyo, atova pamusuo chaipo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri, zvinhu izvi zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mazwi angu haambopfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vedenga, kanawo Mwanakomana asi Baba voga. Sezvazvakanga zvakaita pamazuva aNowa, ndizvozvowo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Sapamazuva iwayo, mafashamo emvura asati auya, vanhu vaidya nokunwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavatsvaira vose. Ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana womunhu. Pavarume vaviri vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa. Nezvo rindirai nokuti hamuzivi kuti Tenzi wenyu anouya zuva ripi. Asi zivai izvi zvokuti dai saimba aiziva nguva yousiku ichauya nayo mbavha aigaririra. Haairega imba yake ichipazwa. Saizvozvo nemiwo garai makagadzirira nokuti Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutarisiri. “Ndoupi zvino muranda wakatendeka uye akangwara anoiswa pabasa natenzi wake rokutarira vomumusha make kuti avape zvokudya zvavo nenguva kwayo? Akakomborerwa muranda uyo anoti kana tenzi wake wouya anomuwana achiita saizvozvo. Zvechokwadi, ndinoti kwamuri achamuita mukuru wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uya akaipa, achizviti mumwoyo, ‘Tenzi wangu anonoka,’ iye wotanga kurova vamwe varanda naye, achidya nokunwa nezvidhakwa; tenzi womuranda uyu achauya pazuva raasingamutarisiri uye panguva yaasingazivi, omuranga achimuisa pamwechete navanyengedzi, ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.

Verenga chikamu Mateu 24