Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 24:29-51

Mateu 24:29-51 SNA2002

“Pakarepo, shure kwokutambudzika kwamazuva iwayo, zuva richasviba, mwedzi hauchazobwinyi, nyeredzi dzichawa kudenga, namasimba okudenga achazununguswa. Ipapo chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru. “Achatuma vatumwa vake nehwamanda huru, vachaunganidza vasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwedenga kusvikira kuno rumwe rutivi. “Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu, kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti ava pedyo asvika pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga. Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi zvichavawira kusvikira mvura zhinji yauya, ikavaparadza vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nenguva iyo vaviri vachava mumunda, mumwe achatorwa, mumwe akasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. Asi zivai izvi, kuti dai saimba, aiziva nguva yokusvika kwembavha, angadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzirira; nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yomusingamutariri. Ndianiko muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa nashe wake kuti ave mutariri weimba yake, kuti avape zvokudya nenguva yakafanira? “Akaropafadzwa muranda uyo, anoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, achamugadza kuti ave mutariri wezvose zvaanazvo. Asi kana muranda uyo akaipa akataura mumwoyo make, achiti, ‘Ishe wangu anonoka;’ akatanga kurova vamwe varanda vanoshanda pamwechete naye, akadya, akanwa pamwechete navanoraradza, ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingamutariri, nenguva yaasingazivi; akamurovesa kwazvo, akamupa mugove wake pamwechete navanyengeri; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.

Verenga chikamu Mateu 24