“Teererai munzwe mumwe muenzaniso. Kwaiva nomumwe saimba akarima munda wamagirepisi ndokuukomberedza noruzhowa. Akacheramo guvi rokusvinira waini. Akavakawo nharire ndokuupa kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimubhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika. Nguva yomuchero payakanga yava kusvika, akatuma varanda vake kuna vaya vaishandisa munda wake kuti awanewo muchero wake. Vaishandisa munda wake vaya vakabata varanda vake, mumwe vakamurova, mumwe vakamuuraya, mumwe vakamutaka namabwe. Akatumazve vamwe varanda, vakatowanda kupinda vokutanga vaya. Vakaita zvimwechetezvo kwavari. Mushure mezvo akatuma mwanakomana wake kwavari achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ Vaya vaishandisa munda pavakaona mwanakomana uya vakati pachavo, ‘Uyu ndiyeka mugari wenhaka, uyai timuuraye tizotora nhaka yake.’ Vakamutora vakamukanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamuuraya. Saizvozvo, kana muridzi womunda wamagirepisi akauya achaitei kune vokushandisa munda wake vaya?” Ivo vakati kwaari, “Achaparadza vanhu vakaipa ava norufu rwakaipisisa, achazopa munda wamagirepisi iwoyo kuna vamwe vokuti vaushandise vachimubhadhara vachimupa michero panguva yayo.”
Verenga chikamu Mateu 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 21:33-41
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo