“Inzwai mumwe mufananidzo, kwaiva nomunhu aivapo, saimba, akasima munda wake wemidzambiringa; akaukomberedza noruzhowa, akachera guvi rokusvinira mauri, akavaka chirindo chirefu, akaupa varimi, ndokufamba rwendo. “Nguva yemichero yakati yosvika, akatuma varanda vake kuvarimi, kundopiwa michero yake. Asi varimi vakabata varanda vake, vakarova mumwe, vakauraya mumwe, vakataka mumwe namabwe. Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kukunda wokutanga; vakavaitira saizvozvo. Zvino pashure akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti, ‘Mwanakomana wangu vachava nehanya naye.’ Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai timuuraye, titore nhaka yake.’ Zvino vakamubata vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya. “Zvino kana tenzi womunda wemidzambiringa achizouya, achaiteiko navarimi ivavo?” Vakati kwaari, “Achaparadza kwazvo vanhu avo vakaipa, akaisa vamwe varimi mumunda wemidzambiringa, vachazomupa michero nenguva yavo.”
Verenga chikamu Mateu 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 21:33-41
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo