Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 19:16-21

Mateu 19:16-21 SCLB

Mumwe murume akauya kwaari achiti, “Mudzidzisi chii chakanaka chandingaite kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko kuti chakanaka chii? Akanaka ariko mumwechete. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mitemo.” Iye akati, “Ipi yacho?” Jesu akati, “Inoti, usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema. Remekedza baba naamai vako ugoda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.” Jaya riya rakati kwaari, “Yose iyi ndakaichengeta. Chimwe chandisina chii.” Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.”

Verenga chikamu Mateu 19

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 19:16-21